Accessibility links

Breaking News

Kuipa kweMigwagwa Kwononotsa Kuendeswa kweRubatsiro Kune Vakawirwa neDambudziko reCyclone Idai

Mhuri dzakarasikirwa nehama dzinonzi dziri kungoshandisa maoko dzisina zvinodzivirira kubva kuzvirwere kufukura mitumbi yehama neshamwari vakashaya.
Mhuri dzakarasikirwa nehama dzinonzi dziri kungoshandisa maoko dzisina zvinodzivirira kubva kuzvirwere kufukura mitumbi yehama neshamwari vakashaya.

Basa rekuendesa chikafu nemishonga kune vakawirwa nedambudziko redutumupengo Cyclone Idai kuChimanimani mudunhu reManicaland rinonzi riri kunonotswa nekuda kwekusamira zvakanaka kwemigwagwa yemudunhu iri iyo yakaparadwa nemafashamu.

Mumiriri weChimanimani East muparamende vari nhengo yeZanu PF, VaJoshua Sacco, vanoti kutaura kudai pane mazirhorhi azere nechikafu nezvimwe zvakaita semishonga, asi haasi kukwanisa kupinda muvanhu kuti zvigoverwe nekuda kwekusakadzwa kwakaitwa migwagwa nemabhiriji nemvura.

VaSacco vanoti kunyange hazvo zvikopokopo zviri kubatsira mukutakurwa kwechikafu, hazvikwanisi kutaura zvinhu zvakawanda pachitariswa huwandu hwevanhu vari kuda rubatsiro urwu.

Asi vanoti vanotenda zvikuru vagari, avo vavanoti vari kushanda zvakasimba kuvhura migwagwa yakavharwa iyi vachibatana nemamwe mapoka anosanganisira mauto nemapurisa.

Dzimwe mhuri dzakarasikirwa nehama dzinonzi dziri kungoshandisa maoko kufukura mitumbi yehama neshamwari vakashaya, sezvo pasina zvekushandisa mukuita basa iri.

Hurukuro naVaJoshua Sacco
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG