Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika Votarisirwa Kusaina Bhiri reCyber Security and Data Protection Kuti Richive Mutemo


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa

Dare reseneti nemusi weChitatu rakapasisa bhiri reCyber Security and Data Protection Bill, iro rakanangana nekuderedza kuparwa kwedzimhosva pachishandiswa madandemutande.

Danho iri rave kureva kuti bhiri iri ramirira kusainwa nemutungamiri wenyika ,VaEmmerson Mnangagwa, kuti rive mutemo.

Boka rePostal and Telecommunications Regulatory Authority ndiro rinenge richirinda mutemo uyu.

Mutemo uyu uchange uchirambidza kushandiswa kwemakombiyuta kana dzimwe nzira dzinoshandisa masaisai kutuka kana kunyomba vamwe, kutumira mashoko anokurudzira kana kukonzera mhirizhonga, kutumira mifananidzo yemunhu asina kusimira usina mvumo yake, kusanganisirawo kushandisa dandemutande kana masaisai kutumira mavhidhiyo evanhu vari kuita zvepabonde.

Vanenge vawanikwa vaine mhosva vanenge vachizobhadhariswa mafaindi ari pakati pemadhora zviuru zviviri zvemari yekuAmerica kusvika kumadhora zviuru gumi, kana kupika makore mashanu kana gumi mujeri.

Asi masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti mutemo uyu unombunyikidza kodzero dzevanhu mukuwanikwa pamwe nekufambiswa kwemashoko kwakasununguka.

Mukuru anoona nezvezvirongwa musangano re Media Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu, vanoti havana kunyatsogutsikana nekupfuura kwebhiri iri mudare reseneti sezvo vaine zvavakanga vachipokana nazvo zvavaida kuti zvitange zvagadziriswa.

VaNyamutumbu vanoti bhiri iri rakabatanidza zvinhu zvakawanda zvimwe zvacho zvisineyi nechekuita nenyaya dzemasaisai zvavaitarisira kuti zvinofanirwa kupatasanurwa.

Vanotiwo zvimwe zvavanopokana nazvo mubhiri iri chikamu chemutemo chakada kufanana nezvakarambwa kare zvekuti munhu anosungiswa kana akanzi afumura mumwe, kana inganzi paChirungu, criminal defation.

VaNyamutumbu vanoti vane matanho akasiyanasiyana avachatorawo ekuona kuti mutemo uyu haungashandi ipo paine bumbiro remitemo rinopa kodzero dzizere kuvana veZimbabwe.

Hurukuro naVaNigel Nyamutumbu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG