Accessibility links

Breaking News

ZIMRA Yotora Zvinhu Zviri Kupinzwa Zvisina Kubhadharirwa Mutero


ZIMRA inonzi iri kusunga dzisimbe panyaya yekubhadharisa mitero kwezvinhu zviri kupinzwa munyika.
ZIMRA inonzi iri kusunga dzisimbe panyaya yekubhadharisa mitero kwezvinhu zviri kupinzwa munyika.

Vamwe vevanotenga zvinhu kuSouth Africa vachipinda nazvo munyika vanonzi vari kuchema zvichitevera kutorwa kwezvinhu zvavo izvi pamuganho weBeitbridge nevashandi veZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA.

Mutungamiri wesangano revanotenga nekutengesa zvnhu kunze kwenyika, VaDenis Juru, vanoti kubva neMugovera, ZIMRA yakadira vashandi vanenge vakapfeka nhumbi dzavo kuti vaongorore mapinzirwo ezvinhu pamuganho apa, uye kunona kana vanhu vari kubhadhara mutero wekupinza zvinhu.

VaJuru vanoti neMugovera chete, mabhazi anosvika matanhatu aive akazara nevanhu akabatwa mushure mekunge aedza kupinda munyika vanhu ava vasina kubhadhara mitero yezvinhu zvavakanga vatenga.

Izvi zvatsinhirwa nemumwe mukuru webhodhi reZIMRA asina kuda kudomwa nezita sezvo asingabvumidzwi kutaura nevatori venhau.

Mukuru uyu anoti boka ravo riri kuedza kuvhara maburi ehuwori anga adzika midzi pamiganho yenyika.

Asi VaJuru vanoti vanhu ava vari kumanikidzwa kutsvaga raramo vachizoguma vatora matanho akadai nekuda kwenhamo yavakatarisana nayo muZimbabwe.

Vanoti sangano ravo ratotanga kutora matanho ekuti vataurirane nehurumende kuti vaone kuti vangagadzirisa zvinhu sei.

Asi vanoti kana vakasawirirana vachatora matanho anogona kurorwadzisa hurumende.

"Tatotanga kutumira nhume dzedu kuti dzisangane nehurumende yeZimbabwe kuti vanzwisiswe kuti vangarerutse sei kuti kumba kune dambudziko riripo.

"Zvino isusu kana tave kupindira tinenge tave kuvharisa bhodha, asi tinotanga tambotaura navo," VaJuru vanodaro.

Hurukuro naVaDenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG