Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oshoropodza mashoko eZanu PF Ekuti Vari Kupindira Mune Zvematongerwo eNyika


Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi nevakafanobata chigaro chemurongi wemisangano, VaPatrick Chinamasa

Masangano akazvimirira munyika ari kushoropodza bato reZanu PF nekuapomera kwarinonzi rakaita mhosva yekupindira mune zvematongerwe enyika richiti mazhinji emasangano aya achamiswa kushanda munyika.

Masangano aya anoti idzi inzira dzebato rinotonga iri dzekuda kumbunyikidza kodzero dzawo uye kuavharira kuti asaite basa rawo rekuva ziso revanhu nekurwira kodzero dzeveruzhinji.

Svondo rapera vakafanobata chigaro chemurongi wemisangano muZanu PF, Va Patrick Chinamasa, vakayambira masangano akazvimirira avakati ari kuita zvematongerwe enyika nechinangwa chekuda kupidigura hurumende kuti ari kuzvigokera moto muziso.

Asi vamasangano aya vanoti bato riri kutonga iri riri kuvanyepera uye rinoda kuvadzivisa kushandira munyika kuititra kuti vasataure nezvekutyorwa kwekodzero dzevanhu pamwe nezvehuori hwavanoti huri kuitwa nehurumende.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reCommunity Tolerence and Reconciliation Development(COTRAD), VaZivanai Muzorodzi, vanoti musangano unotonga pamwe nehurumende vari kuvapomera mhosva yenhema senzira yekuda kuvhara masangano anoridza pembe kana kwaitwa huwori nekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Mamwe masangano anoti ari kuita basa rekubatsira hurumende munyaya dzebudiriro sezvo vachiuya nezvikanisiro zvinobetsera hurumende painonetseka.

Mutauriri wemubatanidzwa wemasangano akazvimirira weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMaervelous Khumalo, vashoropodza VaChinamasa nebato ravo vachiti vari kuvapomera mhosva nekuti sarudzo dzaswedera munyika nekudaro havadi kufumurwa pavari kuita zvakaipa.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kunaVaChinamasa sezvo vange vasingadari nharembozha yavo.

Asi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vatsigira mashoko aVaChinamsa vachiti vemasangano akazvimirira oga vari kufambisa nhema nemanyepo vachishoropodza hurumende, uye vane chinangwa chekubvisa hurumende pachigaro.

Mumwe anowongorora nezvematongerwo enyika akarerekera kuZanu PF, VaCharles Munganasa vatsigirawo vabato reZanu PF vachiti masangano ari kuita zvematongerwo enyika kuti apidigure hurumende ariko uye anofanira kuvharwa sezvo ari kutyora mutemo wenyika.

Asi sachigaro wesangano rinomirira masangano akazvimiria, reNantional Association of Non-Governmental Organization (NANGO), Muzvare Ronika Mumbire, vati vachazama kuonesana nebato rinotonga iri pamwe nehurumende kuitira kuti vapedze kufungirana sezvo vachishanda nehurumende munyaya dzebudiriro pasina kupinda mune zvematongerwe enyika.

Mashoko akayambirwa vemasangano akazvimirira aya akasvitswawo kunhepfenyuro ye Studio 7 naVaChinamasa vachiipomera mhosva imweyo.

Asi Studio 7 yakaramba izvi ichiti inoita basa rayo isina kwayakarerekera.

Gurukota rezvekufambiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakabudawo pachena kuti zvakataurwa naVaChinamasa hazvina kubva kuhurumende.

Nyaya ina Godfrey Mutimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG