Accessibility links

Breaking News

Sangano reCrisis In Zimbabwe Coalition Rinoti Vatsigiri veZanu-PF Vakarwisa Nhengo Dzaro


Obert Masaraure
Obert Masaraure

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reCrisis In Zimbabwe Coalition, rinoti vatsigiri varo vakarohwa vari mumusangano wavo mune imwe hotera muBulawayo.

Mutauriri mutsva wesangano iri, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo musangano wakaenderera mberi mushure mekurwiswa uku, havana kuzokwanisa kuita dzimwe sarudzo sezvo vamwe vavo vakanga vakuvara uye vaendeswa kuchipatara.

VaMasaraure vati vatsigiri veZanu-PF vakapinda mumusangano uyu vachiimba nziyo dzebato ravo uye vachipomera vanhu vakanga vari mumusangano uyu mhosva dzekushanda nekutambira mari dzinobva kuvavengi, izvo vanoti ndezvemanyepo.

VaMasaraure vanoti Crisis In Zimbabwe Coalition icharonga umwezve musangano kuti pasarudzwe sachigaro wesangano iri nemutevedzeri wake.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti bato reZanu-PF haridyidzani nesangano reCrisis In Zimbabwe Coalition, vachiti vatsigiri veZanu-PF hapana chavanoda kubva kusangano iri naizvozvo havangapedzi nguva vachitsvaka kurwisa vanhu veCrisis In Zimbabwe Coalition.

VaMugwadi vanoti vanhu vesangano iri vari kurwirana zvinzvimbo vachipomera Zanu-PF mhosva yekuunza nyonganyonga mukati mavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG