Accessibility links

Breaking News

Crisis in Zimbabwe Coalition Yokumbira SADC Kuti Ipindire muMatambudziko Ari muZimbabwe


Mutungamiri weNamibia, VaHage Geingob vakasangana nenhengo dzeCrisis in Zimbabwe Coalition muWindhoek.

Chikwata chevanhu vatanhatu vanobva kusangano reCrisis in Zimbabwe Coalition chiri kuNamibia neChipiri chakasangana nemutungamiri wenyika iyi uye vari sachigaro ve SADC Va Hage Geingob, kuti chikurudzire kuti sangano reSADC ripinde mukugadzirisa matambudziko ari muZimbabwe.

Sachigaro veCrisis in Zimbabwe Coalition, VaRashid Mahiya vanoti chikuru chavari kuda kuti chigadziriswe neSADC igakava rakakonzerwa nesarudzo dzakaitwa muna Chikunguru, idzo dzakakonzera mutauro bato reMDC Alliance richiramba zvakabuda musarudzo.

VaMahiya vanoti zvimwe zvakakurukura nasachigaro veSADC inyaya yavanoti yekupindira kwemauto mune zveupfumi, vachiti mauto anofanirwa kugara kumabharaki kwawo.

Vanoti vachaendererawo mberi nekukokera nhaurirano pakati pemapato ezvematongerwo enyika ari munyika uye kutaura nevatungamiri venyika dziri muSADC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG