Accessibility links

Breaking News

Komisheni Inoona zveKodzero Yoshushikana neKushomeka kweVanhu Vaongororwa Chirwere cheCOVID-19 Kusvika Nhasi


Zimbabwe Human Rights Commission

Komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu yeZimbabwe Human Rights Commission, inoti iri kushushikana nehuwandu hwevanhu vaongororwa kana vaine chirwere che COVID-19 munyika kusvika pari zvino.

Komisheni iyi inoti vanhu zana nemakumi mapfumbamwe nevana vanozi vainge vaongororwa kusvika musi wa30 Kurume, vaive vashoma zvikuru pachitariswa zviuru zvevanhu zvakapinda munyika kubva pakatanga chirwere ichi kuChina gore rapera.

Mugwaro rayakaburitsa neChitatu, Zimbabwe Human Rights Commission inotiwo iri kukurudzira hurumende kuti ipe dzidziso pamusoro peCoronavirus mundimi dzakasiyanasiyana, kusanganisirawo mutauro wemaoko kana kuti Sign Language, senzira yekuti veruzhinji vabatsirikane.

Komisheni iyi inotiwo hurumende iri kunonoka kuita kuti kuongororwa kwevanhu kuti vane hutachiwana here kana kuti kwete kuitwe mumatunhu ose emunyika, kwete kuti kungoitwa muHarare chete.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rebazi rinoona nezvekomisheni iyi, reMitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.

Asi nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu, uye vaive mukuru weZimRights, VaOkay Machisa, vanoti vanobvumirana nemaonero eZimbabwe Human Rights Commission ekuti vanhu vaongororwa vashoma kwazvo pachitariswa huwandu hwevanhu vanopinda munyika nepamiganho yenyika yose, kusanganisirawo nhandare dzendege.

Panyaya yekuti shambadzo iitwe nemitauro yose inocherechedzwa munyika, VaMachisa vanoti hurumende inofanirwa kutevera zviri mubumbiro renyika panyaya yemitauro, yoshambadza mashoko kuvanhu vose.

Vanotiwo nyaya yekuti matunhu ose akwanise kuongorora vanhu kana vaine hutachiwana hweCoronavirus, vanoti zvakakosha chose kuti matunhu ose awaniswe mukana wekuita ongororo idzi.

Pari zvino chipatara cheSally Mugabe Hospital muHarare ndicho chete chiri kuita ongororo dzechirwere cheCOVID-19 munyika.

Hurukuro naVaOkay Machisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG