Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kutaura Pamusoro peNhomba Ichashandiswa Munyika Mukudzivirira Covid-19


Hurumende iri kukurudzirwa kuti itaure zvakasimba pamusoro penhomba ichashandiswa munyika senzira yekugadzirisa mashoko akashata pamusoro penhomba idzi anonzi ari kutenderera munyika.

Huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika hwakadarika zviuru makumi matatu kana kuti 30 000, nemusi weChina zvichitevera kuwanikwa kwevanhu mazana matanhatu nemakumi matatu nematanhatu kana kuti 639 vaine chirwere ichi neChina chakare.

Vamwe makumi matatu nevasere kana kuti 38 vakafa nechirwere ichi neChina, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 pamazana mapfumbamwe negumi nevanomwe, kana kuti 917.

Vanhu vose vakawanikwa vaine chirwere ichi nemusi weChina vanhu vagara vari munyika, uye mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevatatu kana kuti 293, vanhu vari mudunhu reHarare, uyewo pavanhu vakafa, gumi nevana vanhu vemudunhu reHarare.

Huwandu hwevanhu vapora kubva kuCovid-19 hwasvika pazviuru gumi nezvipfumbamwe nemazana mashanu ane makumi matanhatu nevapfumbamwe, kana kuti 19 569, mushure mekunge vamwe mazana matatu negumi nevatanhatu, kana kuti 316 vapona.

Pavanhu vakapona ava, makumi manomwe nevana, kana kuti 74, vari mudunhu reBulawayo.

Kunyange hazvo huwandu hwevanhu vakabatwa pamwe nekufa nechirwere ichi hwakaderera nemusi weChina, imwe nyanzvi yezvehutano, Dr. Frenk Guni, vanoti hurumende inofanirwa kutanga kupa dzidziso pamusoro penhomba dzichange dzave kubaiwa vanhu munyika senzira yekudzvirira kupararira kwechirwere ichi.

Dr. Guni vanoti pari zvino shoko guru riri kubuda munyika nderekuti nhomba idzi hadzina kunaka, kunyange hazvo pasina humbowo hwekuti dzakamira sei.

Dr. Guni, avo vari muAmerica, vanoti zvakakosha zvikuru kuti hurumende inge ichitaura nezvenhomba idzi kuitira kuti painozopinda munyika veruzhinji vanenge vave neruzivo rwezvadzakanakira.

Vanoti ibasa rehurumende rekuti itaure zvakasimba pamusoro penhomba ichashandiswa munyika senzira yekugadzirisa mashoko akashata ari kubudirtswa nevamwe pamusoro penhomba idzi.

Dr. Guni vanotiwo hurumende kusvika pari zvino inofanirwa kunge yatoburitsawo hwaro hwayo pakuti kana nhomba dzave munyika ndevapi vachatanga kupiwa, uye kuti dzichange dzichipiwa nenzira dzipi.

Hurukuro naDr. Frenk Guni
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG