Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vave Kubaiwa Nhomba yeCovid-19 Pazuva Hunokwira


Vanhu vakawanda vanonzi vave kusununguka kubaiwa nhomba yeSinopharm kubva zvabaiwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu vaviri vakafa neCovid-19 uye vamwe makumi maviri nevapfumbabwe, kana kuti 29, vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Kufa kwevanhu vaviri uku kwakasiya huwandu hwevanhu vafa kubva patanga chirwere ichi munyika muna Kurume wegore rapera hwasvika pachiuru nemazana mashanu ane gumi nevasere, kana kuti 1 518.

Huwandu hwevanhu vakanga vabatwa neCovid-19 hwakanga hwasvikawo pazviuru makumi matatu nezvitanhatu zvine mazana manomwe nemakumi manomwe nevasere, kana kuti 38 778.

Bazi rezvehutano rakatiwo vanhu zviuru zvishanu nemazana mana nemakumi masere nevasere, kana kuti 5 488, vakabaiwa nhomba yekutanga yekudzivirira chirwere cheCovid-19, yeSinopharm, kuchitiwo vamwe chiuru nemazana matanhatu nevatanhatu, kana kuti 1 606, vachibaiwa nhomba yechipiri nyika yose nemusi weChina wakare.

Izvi zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yekutanga nyika yose pazviuru makumi mashanu nezvina zvine mazana masere nemakumi mapfumbamwe nevaviri, kana kuti 54 892, kuchitiwo huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yechipiri hwuchisvikawo pazviuru zvina nemakumi mapfumbamwe nevashanu, kana kuti 4 095.

Mumazuva maviri adarika huwandu hwevanhu vari kubaiwa nhomba huri kudarika zviuru zvishanu pazuva, zvichienzaniswa nemazuva adarika apo vanhu vari pasi pechiuru vaibaiwa nhomba pazuva.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaparura chikamu chepiri chekubaiwa kwenhomba nemusi weChitatu kuVictoria Falls, uko ivo vakabaiwawo pamwe nevamwe vatungamiri vemapato anopikisa nevakuru muhurumende.

Chikamu chepiri ichi chine vemakereke, vashandi vemumahotera, vakwegura pamwe nevarairidzi.

Chikamu chekutanga chine vashandi vari pamberi mukurwisana nedenda reCovid-19, vanosanganisira vanachiremba, vakoti, vashandi vemunzvimbo dzekupinda nekubuda munyika, mapurisa, mauto pamwe nevashandi vekumajeri.

Asi vakawanda vemuchikamu chekutanga ichi vanonzi havana kunyanya kutambira nhomba iyi sezvinonzi zviri kuitika muchikamu chepiri.

Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike vanoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vave kubaiwa nhomba iyi kunogona kunge kuine chekuita nezvinhu zviviri zvinoti chekutanga, kubaiwa kwaVaMnangagwa, kanawo chepiri chekuti vamwe vave kuda kubaiwa mushure mekuona kuti hapana chakaipa chakaitika kune vakatanga kubaiwa nhomba iyi.

VaRusike, avo vanoti kuwanda kwevanhu uku chiitiko chinofadza chose vachiti zvinozadzisa zvavaigara vachitaura zvekuti vatungamiri vanofanirwa kuonekwa vachienda pamberi pezvirongwa zvakadai.

VaRusike vabaiwawo nhomba yavo yepiri kuWilkins Hospital muHarare, uye vari kukurudzira hurumende pamwe nemakanzuru kuti vaonewo kuti vakoti vawedzerwa munzvimbo dziri kubairwa vanhu nhomba.

Vanotiwo hurumende inofanirwa kugadzirisawo zvichemo zvevashandi vari muboka rezvehutano zvinosanganisira nyaya yemihoro yavo, kuitira kuti vasaremerwe nebasa uyewo kuti vashande vakafara.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG