Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vave Kubaiwa Nhomba yeCovid-19 Hworamba Huchikwira


Vanhu vave kuzvipira kubaiwa nhomba vave kuwanda pazuva, izvo zvinonzi nenyanzvi dzehutano zvinofadza.
Vanhu vave kuzvipira kubaiwa nhomba vave kuwanda pazuva, izvo zvinonzi nenyanzvi dzehutano zvinofadza.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu zviuru gumi nemazana manomwe ane makumi mapfumbamwe nevatanhatu, kana kuti 10 796, vakabaiwa nhomba yekutanga yekudzivirira Covid-19 nemusi weChina, kuchitiwo vamwe zviuru zviviri zvine mazana matanhatu nemakumi matatu nemumwe, kana kuti 2 631, vachibaiwa nhomba yepiri.

Izvi zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yekutanga pazviuru makumi masere nezvinomwe zvine mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nemumwe, kana kuti 87 791.

Huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yepiri hwakasvikawo pazviuru gumi nezvinomwe zvine mazana mashanu negumi nevatanhatu, kana kuti 17 516.

Kukwira kwehuwandu hwevanhu vave kubaiwa nhomba kunonzi nenyanzvi mune zvehutano vachidzidzisa paNottingham Trent University kuBritain, Doctor Mathew Nyashanu, kwave kukonzerwa nekuti vanhu vave nechivimbo nenhomba iyi.

Doctor Nyashanu vanoti mushure mekuona kuti vanhu vakatanga kubaiwa nhomba havana matambudziko avakasangana nawo, vamwe vave kuonawo kuti nhomba iyi haina dambudziko.

Asi vanoti kuti nyika ikwanise kusvika pamamiriyoni gumi airi kutarisira kubaya, hurumende inofanirwa kusimbaradza nyaya yekushambadza nhomba iyi, uyewo kuisa makiriniki ekubaira vanhu nhomba mumatunhu ose, zvikuru ekumaruwa.

Zvichadaro, hurumende inoti vanhu gumi nevana vakawanikwa vaine Covid-19 nemusi weChina, uyewo hapana munhu akafa nechirwere ichi.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga hwakasvika pazviuru makumi matatu nezvitanhatu zvine mazana masere nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu, kana kuti 36 896.

Huwandu hwevanhu vafa hwakaramba huri pachiuru nemazana mashanu nemakumi maviri nevatatu, kana kuti 1 523, kuchitiwo vanhu vari kurwara vari muzvipatara vaive makumi matatu nevana.

hurukuro naDoctor Mathew Nyashanu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG