Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheNhomba yeCovid-19 Chakapinda muZuva Retatu Panguva Iyo EU Ichiti Ichawanisa Zimbabwe Imwe Nhomba


Nhomba iyi iri kubayiwa vashandi vari pamberi mumurwisana neCovid-19.
Nhomba iyi iri kubayiwa vashandi vari pamberi mumurwisana neCovid-19.

Bazi rezvehutano rakazivisa neChitatu kuti kusvika nenguva dzeina dzemasikati, vashandi vari pamberi mukurwisana nedenda reCovid-19 vanosvika zviuru zviviri nemazana manomwe nevana, kana kuti 2 074, vakanga vabaiwa nhomba yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 nyika yose.

Izvi zvakaitika apo chirongwa chekubaya nyika yose chakapinda muzuva retatu.

Bazi iri rakazivisawo kuti vanhu vasere vakafa kana kuti 8, uye vamwe makumi mashanu kana kuti 50, vakawanikwa vaine chirwere ichi pavanhu chiuru nemazana masere nevana, kana kuti 1 804, vakavhenekwa.

Vanhu zana nemakumi mashanu nevana, kana kuti 154, vakanga vari muchipatara pakupera kwezuva musi weChipiri.

Huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 nyika yose hwakasvika pazviuru makumi matatu nezvishanu zvine mazana mapfumbamwe nemakumi matanhtatu, kana kuti 35 960, kuchitiwo vanhu vafa kubva patanga chirwere ichi nyika yose vakasvika pachiuru nemazana mana ane makumi mashanu nevatanhatu, kana kuti 1 456.

Zvichakadaro, sangano reEuropean Union rinoti Zimbabwe munguva pfupi inotevera iri kutarisirwa kuwana nhomba inodarika miriyoni imwe chete kana kuti 1, 152 million, pasi pechirongwa che Coalition for Epidemic Preparedness Innovations, kana kuti COVAX.

Izvi zvakabuda padandemutande reTwitter reEU.

Chirongwa cheCOVAX chinotungamirwa nesangano reWorld Health Organization richibatsirwa nemasangano akasiyanasiyana, kunyanya reEuropean Union, uye chakanangana nekubatsira nyika dzichiri kubudirira.

Pari zvino Zimbabwe yakapihwa nhomba zviuru mazana maviri, kana kuti 200 000, kubva kuChina, iyo yakatanga kubayiwa muHarare svondo rapera uye mamwe matunhu kutanga neMuvhuro.

China yakazivisa neChitatu kuti ichapa Zimbabwe imwe nhomba zviuru mazana maviri.

Zimbabwe inoti yakatenga imwe nhomba zviuru mazana matanhatu kubva kuChina inosvika mukupera kwemwedzi uno.

Asi vakuru mubazi rezvehutano vasina kuda kudomwa nemazita vanoti vanhu vari kuuya kuzobayiwa vachiri vashoma.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano, Dr. Brighton Chireka vanoti vanotenda bazi rezvehutano nedanho rayakatora rekuti vashandi vezvehutano vave pakati pevanhu vakatanga kubaiwa nhomba munyika yose.

Hurukuro naDr. Brighton Chireka
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG