Hurumende iri kukurudzirwa kuti ishande nemasangano anomirira vashandi mukushambadza kwairi kuita nhomba inodzivirira Covid-19, kuitira kuti chirongwa chekubaya nhomba ichi chibudirire.
Kurudziro iyi inobva kumukuru wesangano reCommunity Workin Gropu on Health, VaIta Rusike, uye inouya panguva iyo vanhu vari kuzvipira kubaiwa nhombaye Sinopharm iripo iye zvino vari kuramba vari vashoma.
Bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu zana negumi nevasere kana kuti 118, ndivo chete vakabaiwa nhomba munyika yose nemusi weChina, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba iyi munyika yose pazviuru makumi matatu nezvitanhatu zvine gumi nevapfumbamwe, kana kuti 36 019.
VaRusike vanoti kana pakasatorwa matanho akasimba nekukasika pakushambadzwa kwenhomba iyi, chirongwa chePhase 2 chichangotanga ichi chinogona kungofanana nechePhase 1, icho chisina kuwana vanhu vakawanda.
Asi mukuru ari kutungamira hurongwa hwekurwisana neCovid-19, Dr. Agnes Mahomva, vanoti kubva pakutanga, hurumende yanga ichingoshanda nemapoka ose muhurongwa uhwu saka nekudaro hapana vari kusiiwa kunze.
Dr. mahomva vari kukurudzira veruzhinji kuti vatambire chirongwa ichi sechavo, vachitri hurumende iri kuita payo saka zvasarira veruzhinji kuti vapindewo mazviri.
Zvichakadaro, hurumende yakazivisawo nemusi weChina kuti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19, vamwe makumi matatu nevatanhatu vakawanikwa vaine chirwere ichi.
Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga hwasvika pazviuru makumi matatu nezvitanhatu zvine mazana matatu nemakumi manomwe nevanomwe, kana kuti 36 377.
Huwandu hwevanhu vafa hwakasvikawo pachiuru nemazana mana ane makumi mapfumbamwe nevaviri, kana kuti 1 492.
Vanhu vapona kubva kuchirwere ichi vakasvika pazviuru makumi matatu nezvitatu zvine mazana mapfumbamwe nemakumi manomwe nevaviri, kana kuti 33 972.
Facebook Forum