Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheKubaya Nhomba yeCovid-19 Chinoparurwa Nyika Yose Vanhu Vashoma Vachibaiwa


Vaimbove gurukota rezvehutano, Dr. Henry Madzorera vanoti panofanirwa kuve nedzidziso yakasimba kuitira kuti nhomba yeCovid-19 itambirike.
Vaimbove gurukota rezvehutano, Dr. Henry Madzorera vanoti panofanirwa kuve nedzidziso yakasimba kuitira kuti nhomba yeCovid-19 itambirike.

Bazi rezvehutano rakaparura neMuvhuro chirongwa chekubaya vanhu nhomba yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 mumatunhu ose emunyika.

Vakabaiwa nhomba vashandi vemuzvipatara, vatori venhau pamwe nevashandi vebazi rezvekupinda nekubuda munyika.

Bazi rezvehutano rakazivisa neMuvhuro wakare kuti kusvika nenguva dza 4 masikati, vashandi vari mberi mukurwisana nedenda iri vanosvika chiuru nemazana matatu ane gumi nevana, kana kuti 1 314, vakanga vabaiwa nhomba iyi nyika yose.

Nyanzvi mune zvehutano uye vakambove gurukota rezvehutano, vari ivo zvakare munyori wezvehutano muMDC Alliance, Doctor Henry Madzorera, vanoti pachine vanhu vakawanda vasati vave kuvimba nenhomba iyi, izvo zviri kuita kuti vari kuzvipira kubaiwa vaite vashoma.

Vanoti panofanirwa kuve nedzidziso yakasimba pamusoro penhomba iyi kuitira kuti itambirike nyore.

Hurukuro naDr. Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete ndiye chete akafa neCovid-19 neMuvhuro, uye vamwe makumi matanhatu nevatanhatu, kana kuti 66 vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Izvi zvakasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru makumi matatu nezvishanu nemazana masere ane makumi matanhatu nevaviri, kana kuti 35, 862.

Vanhu vafa vose vakasvika pachiuru nemazana mana ane makumi mana nemumwe chete, kana kuti 1 441.

Vanhu makumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 91 vakapora kubva kuchirwere ichi zvakasiya vanhu vapora kubva zvatanga chirwere ichi munyika vave zviuru makumi matatu nezviviri zvine mazana maviri negumi nevatanhatu, kana kuti 32, 216.

Vanhu vachiri kurwara zviuru zviviri zvine mazana maviri nevashanu, kana kuti 2,205.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG