Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kubaiwa Nhomba Yekutanga Hunokwira Zvakare


Vanhu vari kubaiwa nhomba yepiri vanonzi vari kuita vashoma nekuda kwekuti vakabaiwawo nhomba yekutanga vaive vashoma.
Vanhu vari kubaiwa nhomba yepiri vanonzi vari kuita vashoma nekuda kwekuti vakabaiwawo nhomba yekutanga vaive vashoma.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu makumi matatu nevasere vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga pazviuru makumi matatu nezvisere negumi nevasere, kana kuti 38 018.

Hapana munhu akafa izvo zvakasiya huwandu hwevanhu vafa huchiri pachiuru nemazana mashanu nemakumi mashanu nevashanu, kana kuti 1 555.

Bazi iri rakatiwo vanhu zviuru gumi nezviviri nemazana mana ane makumi mana, 12 440, vakabaiwawo nhomba yavo yekutanga zvakasvitsa huwandu hwevabaiwa nhomba yekutanga pazviuru mazana matatu nezvisere zvine makumi manomwe nemumwe, kana kuti 308 071.

Vamwe zviuru zvitanhatu nemazana matatu ane makumi matanhatu nevatatu, kana kuti 6 363, vakabaiwa nhomba yepiri nezuro wakare izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba iyi pazviuru makumi mana nezvitatu zvine mazana manomwe nemakumi maviri nevasere, kana kuti 43 728.

Hurumende ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kuitira kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Imwe nyanzvi mune zvehutano uye vakambove gurukota rezvehutano vari zvakare munyori anoona nezvehutano muMDC Alliance, Dr. Henry Madzorera, vanoti kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kubaiwa nhomba yepiri kunobva pakuti vanhu vakabaiwawo nhomba yekutanga pakatanga chirongwa ichi vaivewo vashoma sezvo nguva iyi kwaibaiwa vashandi vari pamberi mukurwisana neCovid-19 chete.

Asi vanoti nekuda kwekuti veruzhinji vave kuona kuti hapana ari kufa kuburikidza nenhomba iyi, uyewo kuti vatungamiri vakabaiwawo nhomba, veruzhinji vave kuita chivimbo nayo.

Dr. Madzorera vanokurudzira kuti dai hurumende yabvumidzawo vemasejari, makiriniki pamwe nezvipatara zvakazvimirira kuti vabayewo nhomba iyi kuitira kuti nyika ikwanise kusvika pamamiriyoni gumi airi kutarisira kubaya.

Panyaya yevanhu vashoma vari kubatwa pamwe nekufa neCovid-19, Dr. Madzorera vanoti vanongoda kutanga nekutenda Mwari kuti denda iri harisi kubata pamwe nekuuraya vanhu vakawanda, asi vanoti zvakakosha kuti dzidziso irambe ichipiwa kuvanhu kuitira kuti huwandu uhwu hurambe huri pasi.

Hurukuro naDr. Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG