Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vokurudzirwa Kungwarira Chirwere cheCovid-19


Vanhu vari kubatwa neCovid-19 munyika vari kuwanda zuva nezuva, izvo zvinonzi nenyanzvi dzehutano zvave kuda kuti munhu wese angwarire.
Vanhu vari kubatwa neCovid-19 munyika vari kuwanda zuva nezuva, izvo zvinonzi nenyanzvi dzehutano zvave kuda kuti munhu wese angwarire.

Bazi rezvehutano rakazivisa neMuvhuro kuti huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 munyika hwakasvika pachiuru nemakumi manomwe nevashanu, kana kuti 1075, mushure mekufa kwevamwe makumi manomwe, kana kuti 70, pakati pemusi weChishanu chapfuura kusvika neMuvhuro wakare.

Dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakawanda vakafa neCovid-19 vanosvika makumi mana nevasere, kana kuti 48.

Pavanhu ava, bazi rezvehutano rinoti makumi maviri kana kuti 20, vakafa mumazuva akadarika, uye makumi maviri nevasere kana kuti 28, vakafa pakati pemusi weChishanu 22 Ndira nemusi weSvondo 24 Ndira.

Dunhu reManicaland riri kutevera mumashure nevanhu vapfumbamwe vakafa neMuvhuro wakare, kuchitevera dunhu reBulawayo, iro rine vanhu vatanhatu.

Dunhu reMidlands rine vanhu vatatu, Mashonaland East vanhu vaviri, kuchitiwo matunhu eMasvingo neMashonaland Central aine munhu mumwe chete padunhu.

Matunhu eMashonaland West, Matabeleland North neMatabeleland South haana munhu akafa neMuvhuro.

Huwandu hwevanhu vakabatwa neCovid-19 kusvika neMuvhuro hwasvika pazviuru makumi matatu nechimwe zvine mazana matanhatu nemakumi mana nevatanhatu, kana kuti 31 646.

Vanhu vapona vakasvika pazviuru makumi maviri nezviviri zvine mazana masere nemakumi manomwe nevanomwe, kana kuti 22 877.

Vanhu vachiri kurwara neCovid-19 vanonzi vakasvika pazviuru zvinomwe nemazana matanhatu ane makumi mafumbamwe nevana, kana kuti 7 694.

Nyanzvi mune zvehutano uye vari mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa neCovid-19 kunofanirwa kuita kuti veruzhinji vaone munhu wese seane chirwere cheCovid-19.

VaRusike vanoti izvi zvinoita kuti munhu wese azvidzivirire zvakasimba.

Asi vanoti kubva patanga kufa vakuru vehurumende vakawanda, zvinenge zvakabva zvaita kuti vamwe vakuru vehurumende varege kubuda pachena zvakanyanya, izvo zvaitawo kuti pasave nekujeka kwezvinhu munyaya dzeCovid-19.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG