Accessibility links

Breaking News

Bazi reHutano Rinoti Vanhu Vashanu Vanofa neCovid-19 neMusi weChina


Huwandu hwevanhu vave kufa neCovid-19 munyika hwakaderera zvikuru.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu vashanu, kana kuti 5, vakafa nechirwere cheCovid-19, vamwe makumi mana nevana, kana kuti 44, vachiwanikwa vaine chirwere ichi.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi nyika yose kubva patanga chirwere ichi hwasvika pazviuru makumi matatu nezvitanhatu zvine mazana maviri nemakumi maviri nevatatu, kana kuti 36 223.

Huwandu hwevanhu vafa hwakasvika pachiuru nemazana mana ane makumi masere nevatatu, kana kuti 1 483.

Bazi iri rakatiwo vashandi vari pamberi mukurwisana nedenda reCovid-19 vanosvika zviuru zviviri nemazana matanhatu ane makumi masere nevasere, kana kuti 2 688, vakabayiwawo nhomba yekudzivirira Covid-19 nemusi weChina wakare.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba kubva zvatanga chirongwa ichi hwasvika pazviuru makumi matatu zvine mazana matanhatu ane makumi mashanu nevasere, kana kuti 30 658.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG