Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzotyira Kuti Hutachiwana Hwakatanga kuIndia Hungandai Hwave Munyika


Nyanzvi mune zvehutano dziri kukurudzira veruzhinji kuti vabaiwe nhomba yekudzivirira Covid-19 senzira yekudzikisa kutapuriranwa kwehutachiwana.
Nyanzvi mune zvehutano dziri kukurudzira veruzhinji kuti vabaiwe nhomba yekudzivirira Covid-19 senzira yekudzikisa kutapuriranwa kwehutachiwana.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu vatatu vakafa neCovid-19, uye vamwe makumi maviri nevashanu, vaviri vavo vari vakabva kuIndia, vakawanikwa vaine denda iri.

Vamwe vanomwe pavanhu ava vanhu vanonzi vakasangana nevakabva kuIndia ava.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi munyika kubva zvachatanga hwasvika pazviuru makumi matatu nezvisere nemazana mana ane makumi mapfumbamwe nemumwe, kana kuti 38 491 uye vanhu vafa vasvikawo pachiuru chimwe chete nemazana mashanu ane makumi masere nevaviri, kana kuti 1 582.

Kuwanikwa kwevanhu vakabva kuIndia vaine chirwere ichi kunonzi nenyanzvi yezvehutano uye vari chiremba, Dr. Edgar Munatsi, chinhu chinotyisa zvikuru pachitariswa kuti nyika iyi iri kutambudzwa nehutachiwana hweB.1.617, uhwo hunonzi hwakatanga kuonekwa ikoko uye huri kuuraya vanhu vakawanda.

Sangano reWorld Health Organisation, W-H-O, rinoti hutachiwana hwekuIndia uhwu hunotapuriranwa nyore kudarika humwe hwose.

Pari zvino nyika dzemuAfrica nomwe dzinoti Algeria, D-R-C, Kenya, Uganda, Morocco, Nigeria neSouth Africa dzinonzi neW-H-O dzakatove nehutachiwana hwekuIndia uhwu.

Vanhu vanodarika mamiriyoni makumi maviri nemana, kana kuti 24 million, vabatwa nedenda reCovid-19 muIndia kubva zvatanga chirwere ichi, uye vamwe vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi matanhatu nezviviri, kana kuti 262 000, vafa nacho munyika iyi.

Asi Dr. Munatsi vanoti hazvishamisi kuti hutachiwana uhwu hunogona kunge hwave munyika pachionekwa kuti pane vanhu vakatobva kunyika iyi vakabatwa vaine Covid-19.

Vanokurudzira kusimbiswa kwenyaya dzekuvhenekwa kwehutachiwana uyewo kuti pateverwe vose vangadai vakasangana nevanhu ava senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana uhwu.

Hurukuro naDr. Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru anoona nezvekurwiswa kweCovid-19 munyika, Dr. Agnes Mahomva vanoti pari zvino vari mubishi kumhanyamhanya kuvheneka zvavainazvo kuti vaone kuti hutachiwana hwekuIndia uhwu hwapinda here muZimbabwe kana kuti kwete.

Dr. Mahomva vanoti zvisineyi nekuti hutachiwana hwabva kuIndia here kana kupi, vanhu vanofanirwa kungoramba vachitora matanho ekugeza maoko nemvura nesipo, kusaungana, vachiti zvese izvozvo zvinobatsira kuvharidzira chirwere cheCovid-19.

Hurulkuro naDr. Agnes Mahomva
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinotiwo vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nechimwe kana kuti 21 000 vakabaiwa nhomba nezuro wakare.

Vanhu zviuru gumi nemakumi manomwe nevasere, kana kuti 10 078 vakabaiwa nhomba yekutanga, kuchiti vamwe zviuru gumi nechimwe nemazana mashanu ane makumi manomwe nevanomwe, kana kuti 11 577 vachibaiwa nhomba yepiri.

Huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yekutanga kubva zvatanga chirongwa ichi hwakasvika pazviuru mazana mashanu nemakumi mashanu nezvipfumbamwe zvine mazana masere nemakumi manomwe nevashanu, kana kuti 559 875.

Vanhu zviuru zana nemakumi mapfumbamwe nechimwe nezana nemakumi mana nevashanu, kana kuti 192 145, vakanga vabaiwawo nhomba yepiri kusvika nemusi weChina.


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG