Accessibility links

Breaking News

Victoria Falls Inokwanisa Kubaya Nhomba Vanhu Vakawanda Zvekukwanisa kuDzivirira Kupararira kweCovid-19


Vanhu vakawanda kusanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vakabaiwa nhoba yavo yekutanga yekudzivirira Covid-19 kuVictoria Falls
Vanhu vakawanda kusanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vakabaiwa nhoba yavo yekutanga yekudzivirira Covid-19 kuVictoria Falls

Bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti munhu mumwechete akafa neCovid-19 uye vamwe vanhu makumi maviri nevaviri kana kuti 22, vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Izvi zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nyika yose pachiuru chimwe nemazana mashanu ane makumi mashanu nevanomwe, kana kuti 1 557.

Ukuwo, vanhu vasere, vazhinji vavo vari vana vechikoro, vanonzi vakaiswa kwavo voga (quarantine) kuBulawayo mushure mekuwanikwa kwedenda reCovid-19 pachikoro cheMzilikazi Primary School.

Mukuru wezvehutano mudunhu reBulawayo, Dr. Edwin Sibanda, vaudza bepanhau reChronicle kuti vasere ava vakaendeswa kuchipatara cheThorngrove neku Elangeni Training Centre mushure mekuona kuti vamwe vevanhu ava vanogara mudzimba diki izvo zvinovatadzisa kuzogara kwavo voga.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvakachatanga hwakasvika pazviuru makumi matatu nezvisere zvine makumi masere nevatanhatu, kana kuti 38 086.

Ukuwo, bazi rezvehutano rakazivisawo kuti vanhu zviuru gumi nezviviri nezana negumi nevaviri, kana kuti 12 112, vakabaiwa nhomba yekutanga neSvondo izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba iyi pazviuru mazana matatu nemakumi matatu nezvitanhatu zvine mazana matanhatu, kana kuti 336 600.

Vamwe zviuru zvishanu nemazana masere nevanomwe, kana kuti 5 807, vakabaiwa nhomba yepiri zvakasvitsawo huwandu hwevabaiwa nhomba iyi pazviuru makumi mashanu nezvitatu zvine mazana mana negumi nevasere, kana kuti 53 418.

Izvi zviri kuuya panguva iyo dhorobha reVictoria Falls rakasvitsa huwandu hwevanhu vakwanisa kubaiwa nhomba dzose pazvikamu makumi manomwe nezvinomwe kubva muzana, kana kuti 77 percent.

Izvi zvinopa kuti Victoria Falls, iyo inonzi ine vanhu vanokodzera kubaiwa nhomba vanosvika zviuru makumi maviri nezvishanu, kana kuti 25 000, rive dunhu rekutanga munyika kudzivirirwa kubva mukupararira kwedenda iri, kana kuti herd immunity.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakabaiwa nhomba yavo yekutaga vari kuVictoria Falls, varumbidza zvikuru danho rakatorwa nedhoorobha iri rekubaya vanhu vakawanda kudaro nhomba.

Studio 7 yabata mukuru anoona nezvekudzivirirwa kweCovid-19, Dr. Agnes Mahomva kuti tinzwe zvizhinji, asi vati vanga vari mumusangano.

Asi mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti zvinofadza chose kuti Victoria Falls yakwanisa kuwana vanhu vakawanda kudaro vabaiwa nhomba, asi vanoti dhorobha iri rakakwanisa kuita izvi sezvo rakangotanga nekubaya munhu wese.

VaRusike vanoti mamwe madhorobha nemaguta vakatanga kubaya nhomba iyi muzvikamu zvikamu, izvo zvakaita kuti vanhu vaibaiwa vave vashoma.

Asi vanoti kubayiwa nhomba kwevanhu vanosvika zvikamu makumi manomwe nezvinomwe kubva muzana uku kunogona kushaya basa kana vashanyi pamwe nevanhu vanobva munzvimbo dzakapoteredza dhorobha iri vasina kubaiwawo sezvo vachikwanisa kusiya zvakare hutachiwana hweCovid-19 pavanopinda nekubuda mudhorobha iri.

Dhorobha reVictoria Falls rinonzi rakawaniswa nhomba inoita makumi matanhatu ezviuru, zvichireva kuti vagari vanosvika makumi matatu ezviuru vanokwanisa kubaiwa nhmbo dzose dziri mbiri.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG