Accessibility links

Breaking News

Vanamukoti Vanoramba Mari Yanga Yauya neHurumende Vachiti Ishoma, Vanovimbisa Kuramba Vari paMabasa


Vanamukoti vanga vari pakuramwa mabasa kwemazuva angada kusvika makumi mapfumbamwe.(Bathabile Masuku)
Vanamukoti vanga vari pakuramwa mabasa kwemazuva angada kusvika makumi mapfumbamwe.(Bathabile Masuku)

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti huwandu hwevanhu vakanga vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakanga kwasvika pazviuru zvinomwe nemazana mana nemakumi mashanu ane vatatu, kana kuti 7 453.

Asi huwandu hwevanhu vanga vafa kusvika pazuva iri hwakaramba huri pamazana maviri nemakumi maviri nevaviri kana kuti 222, sezvo pakanga pasina akafa.

Vanhu vakanga vapona kubva kuchirwere ichi munyika yose vakanga vasvika pazviuru zvishanu nemazana matanhatu ane makumi matatu nevashanu, kana kuti 5 635.

Vanhu makumi mapfumbamwe nevatatu vakapora kuchirwere ichi izvo zvakasiya huwandu hwevanhu vakanga vachine chirwere ichi hwaderera kuenda pachiuru nemazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu, kana kuti 1 596.

Vanhu mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nevapfumbamwe, kana kuti 969 ndivo vakavhenekwa kana vaine chirwere ichi, vanhu makumi maviri nevana vakawanikwa vainacho.

Johns Hopkins University Hospital yemuAmerica, iyo iri kutevera kupararira kwechirwere ichi pasi rose, inoti vanhu vanodarika mamiriyoni makumi maviri nemasere, kana kuti 28 million vabatwa nechirwere ichi pasi rose, icho chasiya vamwe vanodarika zviuru mazana mapfumbamwe nezvishanu, kana kuti 905 000 vafa pasi rose.

MuAmerica vanhu vanodarika mamiriyoni matanhatu nemazana matatu ezviuru, kana kuti 6.300 million vabatwa neCovid-19, vamwe vanodarika zviuru zana nemakumi mapfumbamwe nechimwe kana, kuti 191 000 vafa.

Zvichakadaro, vanamukoti, avo vakadzokera kubasa kutanga kwesvondo rino mushure mekuramwa mabasa kwenguva ingada kusvika kumwedzi mitatu, vanonzi varamba kutambira zvanga zvaiswa patafura nehurumende mukuedza kwayo kugadzirisa nyaya yemihoro yavo.

Hurumende inonzi yanga ichida kuvapa zvikamu makumi mana kubva muzana zvemihoro yavo, asi vashandi vanonzi varamba kutambira mari iyi vachiti haigadzirise matambudziko avo

Vashandi vanonzi vazivisawo hurumende kuti vari kudawo kuti vapiwe imwe yemari yemihoro yavo iri mumadhora ekuAmerica.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Asi mutungamiri wesangano ravanamukoti reZimbabwe Nurses Association, VaEnock Dongo, vanoti kuramba kutambira kwaita vanamukoti mari iyi hakurevi kuti vave kudzokera zvakare mukuramwa mabasa.

VaDongo vanoti vanamukoti vakadzokera kumabasa mushure mechikumbiro chakaitwa negurukota rezvehutano idzva uye vari mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, avo vakati vari kugadzirisa zvichemo zvevashandi vemuzvipatara.

VaDongo vanoti vamiriri vehurumende munhaurirano vakavavimbisa kuti zvipatara zvichawaniswa zvekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, uye vanoti vari kukurudzira nhengo dzavo kuti dziende kumabasa, asi dzisazvipinza munjodzi kuburikidza nekushanda zvisina mhatya dzinodzivirira kutapurira chirwere, kana kuti PPEs.

Hurukuro naVaEnock Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG