Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Hurumende Ine Hwaro hweMagoverwo Achaitwa Nhomba yeCovid-19


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaudza musanganoo wePOLAD kuti vachazivisa nezvematanho matsva eLockdown svondo rinouya
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaudza musanganoo wePOLAD kuti vachazivisa nezvematanho matsva eLockdown svondo rinouya

Mutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, vazivisa kuti hurumende yavo yatove nehwaro hwekugoverwa kuchaitwa nhomba yekudzivirira Covid-19, uye hwangomirira kupinda munyika kwenhomba yekutanga iri kutarisirwa munyika nemusiweMuvhuro svondo rinouya.

Vachitaura pamusangano wevatungamiri vemapato vakakwikwidza musarudzo muna 2018, wePOLAD, waitirwa padandemutande, VaMnangagwa vatiwo mari yekutengwa kwemimwe mishonga yenhomba yeCovid-19 yakatoiswa parutivi, uye pane hurongwa hwekuti makambani akazvimirira pamwe nemamwe masangano abatsirewo.

Mutungamiri wenyika vati vachazivisa svondo rinouya nezvematanho emutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, kana kuti Lockdown, zvichitungamirwa nekomekedzo inobva kuna vanamazvikokota mune zvehutano.

Mutemo uripo iye zvino we Level 4 Lockdown wakadzikwa mwedzi wapera uri kuguma kushanda neMuvhuro svondo rinouya.

Izvi zvinouya panguva iyo huwandu hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuderera munyika.

Nemusi weChina bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu gumi nevasere vakafa neCovid-19 vamwe makumi masere nevashanu vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Bazi iri rinoti vanhu vose vakawanikwa vaine chirwere ichi vanhu vagara vari munyika, uye vanhu makumi maviri nevatatu vavo vari mudunhu reBulawayo.

Kusvika nemusi weChina wakare vanhu vanosvika zviuru zvitatu nezvina zvine mazana mapfumbamwe nemakumi mana nevapfumbamwe, kana kuti 34 949 vabatwa nechirwere ichi nyika yose kubva pachatanga muna Kurume wegore rapera.

Vamwe chiuru nemazana matatu nemakumi masere nevaviri, kana kuti 1 382, vafa nacho kusvika nemusi weChina.

Vanhu vairwara kusvika nemusi weChina vaive zviuru zvitatu nemazana mapfumbamwe ane makumi matatu nevanomwe, kana kuti 3 937.

Vaimbove gurukota rezvehutano, uye vari munyori wezvehutano muMDC Alliance, Dr. Henry Mdzorera, vanoti pane dambudziko rekuti hurumende haisi kuburitsa pachena hwaro hwainoti yakagadzira uhwu kuti huzivikanwe neveruzhinji.

Doctor Madzorera vanotiwo mapoka ose emunyika kusanganisira vashandi vezvehutano, masangano anomirira vashandi uye vana veZimbabwe vese vanofanirwa kuve nechekuita nekuumbwa kwehwaro uhwu.

"Chekutanga ndechekuti hwaro ihwohwo, kana kuti policy yekuti mishonga ichazouya inobva kupi, ichazodhisitiribhiyutwa sei, ndivanaani vachapiwa, ndiyo policy yatakamirira iyoyo. Haigone kuita secret," vanodaro Dr. Madzorera.

Panyaya yemutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu uyo uri kuguma kushanda svondo rinouya, Dr. Madzorera vanoti hazvibatsire kuti pave nemutemo wakadai pasina rutsigiro rwunopiwa kuvanhu vanenge vachitadziswa kuzvishandira munguva yeLockdown iyi.

Hurumende yakazivisa kuti nhomba iri kubva kuChina iyi ichatanga kupiwa vashandi vari pamberi kurwisana nedzihwamupengo iri, vakwegura pamwe nevane zvirwere zvavagara vainazvo.

Nhomba iyi inotarisirwa kubayiwa vanhu vanosvika mazana maviri ezviuru, uye hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu vanosvika mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvezvizvarwa zvenyika senzira yekudzivirira nayo kupararira kwehutachiwana.

Hurukuro naDr. Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG