Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kuvhenekwa Covid-19 muNyika Hunonzi neDzimwe Nyanzvi Hushoma


Vanhu vari kuvhenekwa Covid-19 munyika dzimwe nguva vanonzi vashoma.
Vanhu vari kuvhenekwa Covid-19 munyika dzimwe nguva vanonzi vashoma.

Bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checovid-19 munyika hwakakwira kusvika pazviuru zvinomwe nemazana mashanu ane makumi maviri vatanhatu, kana kuti 7 526, mushure mekunge vanhu gumi nevasere kana kuti 18, vawanikwa vaine chirwere ichi, vese vanove vanhu vagara vari munyika.

Hapana munhu akashaya nechirwere ichi icho zvakaita kuti vanhu vafa varambe vari pamazana maviri nemakumi maviri nevana, kana kuti 224.

Vanhu vakanga vapona kubva kuCovid-19 kusvika neSvondo vanonzi vakanga vasvika pazviuru zvishanu nemazana matanhatu ane makumi manomwe nevasere, kana kuti 5 678.

Izvi zvakasiya vanhu chiuru nemazana matanhatu nemakumi maviri nevana kana kuti 1 624 vachiri kurwara nechirwere ichi.

Nyanzvi dzezvehutano dzinonzi dzichiri mushishi kuedza kutsvaga nzira dzekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vamwe vanhu vari kushandisa ma mask kuvhara miromo nemhino vanonzi havasi kurasa zvakanaka ma mask aya sezvo vari kunzi vari kuarasira pese-pese, izvo zvinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehutano, zvinokwanisa kuparadzira chirwere cheCovid-19, kanawo zvimwe zvirwere.

Nyanzvi mune zvehutano vachidzidzisa zvehutano paNottingham Trent University kuEngland, Doctor Mathew Nyashanu vanoti hurumende inofanirwa kuwedzera huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa chirwere ichi pazuva, sezvo mazuva adarika aya huwandu hwevanhu hwakadzikira.

Doctor Nyashanu vanoti hurumende haifanirwe kungovheneka vanhu vose vose asi kuti inofanirwa kusimbirira zvikuru kumatunhu kana nzvimbo dzinenge dzanzi ndidzo dzaita semadzinde edenda iri.

Panyaya yekuti ma mask anenge ashandiswa nevanhu asarasirwa pese pese, Doctor Nyashanu vanoti veruzhinji vanofanirwa kurasa zvinhu izvi munzvimbo dzakakodzera sezvo zvichikwanisa kuparadzira zvirwere kana zvakaraswa zvisina kukodzera.

Hurukuro naDoctor Mathew Nyashanu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG