Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzokurudzira Hurumende Kuramba Ichipa Dzidziso paMusoro peCovid-19


Victoria Falls Covid-19 Vaccination Woman

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu vaviri vakashaya neCovid-19, vamwe makumi mashanu nevatatu, 53, vachiwanikwa vaine chirwere ichi pavanhu zviuru zviviri nemazana manomwe ane gumi nemumwe, kana kuti 2 711 vakavhenekwa nezuro wakare.

Huwandu hwevanhu vafa kubva patanga chirwere ichi munyika hwakasvika pachiuru chimwechete chine mazana mashanu nemakumi mashanu, kana kuti 1 550.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere hwakasvikawo pazviuru makumi matatu nezvinomwe zvine mazana mana nemakumi maviri nevaviri, kana kuti 37 422.

Bazi rezvehutano rakazivisawo kuti vanhu zviuru makumi maviri nechimwe nemazana matatu, kana kuti 21 300, vakabaiwa nhomba yekutanga yekudzivirira chirwere ichi nemusi weChina wakare.

Aka ndekekutanga kuwana huwandu hwevanhu hwakadai huchibaiwa nhomba pazuva rimwechete kubva paparurwa chirongwa chekubaya nhomba ichi.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yekutanga hwasvika pazviuru mazana maviri nemakumi mashanu nezviviri zvine mazana manomwe nemakumi matatu nevaviri, kana kuti 252 932.

Vanhu zviuru zviviri nemazana mana ane makumi mashanu nevatatu, kana kuti 2 453 vakabaiwawo nhomba yavo yepiri, izvo zvakasvitsawo huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yepiri pazviuru makumi matatu nezviviri nemazana mapfumbamwe ane makumi mana nevapfumbamwe, kana kuti 32 949.

Nyanzvi mune zvehutano vari mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti nyaya yedzidziso pamusoro peCovid-19 inofanirwa kuramba ichienderera mberi kuitira kuderedza huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa nechirwere ichi.

Panyaya yekuti neChitatu vanhu vanodarika zviuru zviviri vakabaiwa nhomba yekutanga, VaRusike vanoti zvinhu zvinofadza zvikuru, asi vanokurudzira vose vari kubaiwa nhomba kuti vashambadzewo shoko rekuti vamwe vabaiwe kuitira kuti nyika ikwanise kusvika pahuwandu hwevanhu mamiriyoni gumi airi kutarisira kubaya senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

"Tinofanira kuti chero mumwe nemumwe ave kunzwisisa kukosha kwenhomba iyi yeCovid-19 ange ave messenger anokwanisa kufamba achinokurudzirawo vamwe kuti handeyi tinobaiwa nekuda kwekuti takasabaiwa nehuwandu hwedu tese kudzivirirwa kweduka kunozoramba kwakaderera," vanodaro VaRusike.

Hurumende inoti iri kushamba zvikuru chirongwa chekubaya nhomba sezvo iine hurongwa hwekuti vanhu mamiriyoni gumi vabayiwe nhomba.

Zimbabwe iri kushandisa nhomba dzeSinovac neSinopharm dzakagadzirwa kuChina, idzo World Health Organization inoti haisati yadzipa mvumo kuti dzishandiswe neveruzhinji.

Dzimwe nhomba dzichabva kuRussia nekuIndia.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG