Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzokurudzira Veruzhinji Kukoshesa Mitemo Inodzivirira Kupararira kweCovid-19


Nyanzvi dzehutano pamwe nemapurisa vanoti vari kushushikana nehuwandu hwevanhu vasiri kuda kupfeka zvinovhara mhino nemiromo.
Nyanzvi dzehutano pamwe nemapurisa vanoti vari kushushikana nehuwandu hwevanhu vasiri kuda kupfeka zvinovhara mhino nemiromo.

Bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti hapana munhu akashaya nekuda kweCovid-19 uye vanhu gumi nemumwe, kana kuti 11, ndivo vakawanikwa vaine chirwere ichi kubva pavanhu mazana mashanu nemakumi matatu nevashanu, kana kuti 535, vakavhenekwa nyika yose.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nedenda iri kubva parapinda munyika gore rapera muna Kurume vave zviuru makumi matatu nezvitanhatu zvine mazana maviri nemakumi manomwe nemumwe, kana kuti 36 271.

Vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga vakasvika pachiuru nemazana mana nemakumi masere nevashanu, kana kuti 1 485, kuchitiwo huwandu hwevanhu vapona kubva kuCovid-19 hwakasvika pazviuru makumi matatu nezvitatu zvine mazana masere nemakumi matatu nevana, kana kuti 33 834.

Bazi rezvehutano rakazivisawo kuti vashandi vari pamberi mukurwisana neCovid-19 vanosvika mazana maviri nemakumi maviri nevatanhatu, kana kuti 226, vakabaiwa nhomba yeSinopharm, yekudzivirira hutachiwana hunokonzera Covid-19.

Izvi zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba iyi kubva zvatanga chirongwa ichi pazviuru makumi matatu nezviviri zvine mazana maviri nemakumi mana, kana kuti 32 240.

Dzimwe nyanzvi mune zvehutano pamwe nemapurisa vanoti vari kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vasiri kutevedzera mitemo yekudzivirira kupararira kwehutachiwana yakatarwa neW-H-O pamwe nebazi rezvehutano kubva pakanyevenutswa mutemo we lockdown svondo rapera.

Vaimbove gurukota rezvehutano uye vari munyori anoona nezvehutano muMDC Alliance, Doctor Henry Madzorera, vanoti lockdown yakabatsira chose kuderedza huwandu hwevari kubatwa neCovid-19.

Asi vanoti panofanirwa kuramba paine dzidziso pamusoro penzira dzekudzivirira kupararira kwedenda iri kunyange hazvo mitemo yakanyevenutswa.

Svondo rapera mapurisa akazivisa kuti kusvika neChishanu chapfuura vanhu vaidarika zviuru zvishanu vakanga vasungwa kubva musi wa 01 nemhosva yekusapfeka zvivharangozi,kana kuti ma mask, danho rinonzi nemapurisa vari kushushikana naro.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana mapfumbamwe, kana kuti 3,9 million, vabatwa nechirwere cheCovid-19 muAfrica.

Vanhu vafa vadarika zviuru zana nezvishanu rine mazana manomwe nemakumi maviri nevaviri, kana kuti 105, 722.

Vapora muAfrica vadarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana mashanu kana kuti 3, 5 million. South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi muAfrica.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere che coronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni zana negumi nematanhatu nezviuru mazana mapfumbamwe, kana kuti 116, 9 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica, iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose, inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vanhu vafa muAmerica vanodarika zviuru mazana mashanu nemakumi maviri nezvishanu, kana kuti kuti 525, 000, vabatwa nechirwere ichi vachidarika mamiriyoni makumi maviri nemasere ane zviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 28, 9 million.

Pasi rose, vanhu vafa nechirwere ichi vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu kana kuti 2,5 million. Asi vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni makumi matanhatu nematanhatu kana kuti 66, million.

Hurukuro naDr. Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG