Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheCovid-19 Chotyirwa Kuti Chave Kupararira Zvakanyanya kuMaruwa


Vashandi vezvehutano vachivheneka vanhu kana vaine chirwere cheCOVID-19. Vanachiremba vave kutyira kupararira kwechirwere ichi kumaruwa. (Photo by INDRANIL MUKHERJEE / AFP)
Vashandi vezvehutano vachivheneka vanhu kana vaine chirwere cheCOVID-19. Vanachiremba vave kutyira kupararira kwechirwere ichi kumaruwa. (Photo by INDRANIL MUKHERJEE / AFP)

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakanga hwakwira kusvika pazana nemakumi maviri nevasere, kana kuti 128, vabatwa nechirwere vachisvikawo pazviuru zvina nemazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe, kana kuti 4 990.

Vanhu vanonzi vapona kubva kuchirwere ichi vakanga vasvikawo pachiuru nemazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevanomwe, kana kuti 1 927, kuchiti vachakabatwa nacho vave zviuru zviviri nemazana mapfumbamwe ane makumi mana nevatanhatu, kana kuti 2 946.

Izvi zvinouya panguva iyo chirwere ichi chave kutyirwa kuti chinogona kunge chave kupararira kumaruwa.

Munyori mukuru wesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctor for Human Rights, Doctor Norman Matara, vanoti maonero avo pamwe nemashoko avari kuwana kubva kubazi rezvehutano anoratidza kuti denda iri ratekeshera nenyika yose.

Doctor Matara vanoti nyika inoratidza kuti yakakundikana kudzivirira kupararira kwechirwere ichi chichangotanga, nekudaro hurongwa hwepiri hunofanirwa kusimbaradza nyaya yekuti vanhu vanenge vabatwa nechirwere ichi, zvikuru vekumaruwa, vasaita matambudziko kana kuwanikwa vachifa nacho.

Doctor Matara vanotiwo panofanirwa kusimbiswa nyaya yedzidziso kuitira kuti veruzhinji varambe vachiziva nezvechirwere ichi.

Hurukuro naDr. Norman Matara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG