Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neMuvhuro kusvika pamazana mashanu negumi nevaviri (512) mushure mekunge vamwe vanhu makumi maviri nevatatu (23) vawanikwa vaine chirwere ichi pavanhu mazana mashanu nemakumi matatu nevashanu (535) vakaongororwa nezuro.
Huwandu hwevanhu vapona kubva kudenda iri huchiri pamakumi matanhatu nevana (64), kuchitiwo vashaya vachiri vatanhatu kana kuti 6.
Kuwanda kwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 uku kwaita kuti bazi rezvehutano riburitse mashoko padandemutande reTwitter richiti rave kuzosimbisa nyaya yekudzidzisa veruzhinji pamusoro pechirwere ichi pachiteverwa zvisungo zvakatarwa neWorld Health Organisation.
Nyanzvi mune zvehutano dzakawanda dzagara dziri kukurudzira hurumende kuti iwedzere vanhu vari kuongororwa chirwere ichi pazuva, uye kuendesa dzidziso kumaruwa kuitira kuti veruzhinji vanzwisise nekukasika zviri kuitika kuitira kuti vasazobatwa vakavarairwa.
Johns Hopkins University Hospital yemuAmerica inoti vanhu vabatwa neCovid-19 pasi rose vadarika mamiriyoni mapfumbamwe nezana rezviuru (9.1 million), America iri iyo ine vanhu vakawandisa vanodarika mamiriyoni maviri nemazana matatu ezviuru (2.3 million) ichiteverwa neBrazil, iyo yadarikawo miriyoni nezana rezviuru (1.1 million).
Mumatunhu akawanda eAmerica chirwere ichi chinonzi chave kukwira zvakare zvichitevera kunyevenutswa kwemutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu.
Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Simbiso Ranga, avo vari muNorth Carolina muno muAmerica, vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kukwira, kwete muZimbabwe chete, asi pasi rose, izvo anoti zvinofanirwa kutorerwa matanho nekukasika.
Panyaya yekukwira kwehuwandu munyika, Doctor Ranga vanoti hurumende inofanirwa kuendesa hurongwa hwekuongorora vanhu akaita sekukurudzira vanhu kupfeka mamasiki, kugeza maoko, uyewo kuchengetedza vanenge vawanikwa vaine chirwere ichi kwavo voga.
Facebook Forum