Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzinoti Zvakakosha Kuziva Kuti Vangani Vane Covid-19 Asi Vasiri Kuvhenekwa.


Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Mathew Nyashanu

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika hwakasvika pazviuru makumi matatu nezvina zvine zana nemakumi manomwe nemumwe, kana kuti 34 171, zvichitevera kuwanikwa kwevakwe mazana maviri nevanomwe, kana kuti 207, vaine chirwere ichi.

Vanhu vafa neCovid-19 munyika yose vakasvikawo pachiuru nemazana maviri ane makumi masere nevasere, kana kuti 1 288, zvichitevera kufa kwevamwe gumi nevapfumbamwe, 19, neChina chakare.

Vanhu vose vakawanikwa vaine chirwere ichi vanhu vagara vari munyika, uye pavanhu ava, makumi mashanu nevasere, kana kuti 58, vari mudunhu reBulawayo.

Vanhu vachiri kurwara vakasvikawo pazviuru zvishanu zvine zana nemakumi maviri nevana, kana kuti 5 124, uye kusvika musi weChitatu vanhu zana nemakumi manomwe nemumwe, kana kuti 171 vakanga vachiri muchipatara.

Pavanhu vakanga vari muchipatara ava, gumi vavo ndevaya vasingaoneki kuti vanorwara, makumi masere nevapfumbamwe kana kuti 89 vari vanhu vari kurwara zviri pakati nepakati, kuchitiwo makumi mashanu nevapfumbamwe vairwara zvakanyanya. Vamwe gumi nevatatu vaive muIntensive Care Unit.

Izvi zviri kuuya panguva iyo hurumende yakazivisa nemusi weChina kuti yave kuisa vanhu vachange vachiona mafambisirwo endufu dzose mumamana senzira yekudzivirira nayo kuparadzirwa kwechirwere cheCovid-19 pandufu.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webazi rezvehutano, Dr. Robert Mudyirandima, vakaudza bepanhau reHerald kuti ndufu dzose dzinofanirwa kutarisiswa munguva ino yeCovid-19, uye vanhu havafanirwe kuungana usiku.

Dr. Mudyirandima vakatiwo mitemo yekudzivirira kupararira hwehutachiwana hweCoronavirus yakaita sekugeza maoko nemvura inoerera, kusiya mikaha pamwe nekupfeka zvivharangozi kana kuti ma mask, inofanirwa kuteedzerwa zvakasimba kuitira kudzivirira kutapuriranwa kwedzihwamupengo reCovid-19.

Nyanzvi mune zvehutano vachidzidzisa paNottingham Trent University kuBritain, Doctor Mathew Nyashanu, vanoti chinhu chakanaka chose kuti huwandu hwevari kubatwa pamwe nekufa neCovid-19 huri kuderera, asi chakakosha ndechekuti pazivikanwewo zvakare kuti vanhu vangani vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 asi vasiri kuenda kunovhekwa.

Hurukuro naDoctor Mathew Nyashanu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG