Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kukabatwa neCovid-19 Huri Kuramba Huchikwira


Hurumende iri kukurudzirwa kuvheneka vanhu mumatunhu ose enyika sezvo pave nekufambafamba kwakanyanya zvonogona kuparadzira Covid-19.
Hurumende iri kukurudzirwa kuvheneka vanhu mumatunhu ose enyika sezvo pave nekufambafamba kwakanyanya zvonogona kuparadzira Covid-19.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti huwandu hwevanhu vari kuramba vachibatwa neCovid-19 hwakakwirira zvichitevera kubatwa kwevamwe makumi matatu nevaviri, kana kuti 32, vaine chirwere ichi, pavanhu mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevapfumbamwe, kana kuti 929 vakavhenekwa.

Vese vakawanikwa vaine chirwere ichi vanhu vagara vari munyika vasina nhoroondo yekubuda kunze.

Aka ndekekutanga mukati memazuva anodarika masvondo maviri kuti huwandu hwevanhu vane chirwere ichi hudarike makumi matatu.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose hwakwira kusvika pazviuru zvinomwe nemazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nemumwe, kana kuti 7 951.

Vanhu vakanga vapona kubva kuCovid-19 kusvika nemusi weChina vakanga vave zviuru zvitanhatu nemazana mana ane makumi mana nevatanhatu, kana kuti 6 446, izvo zvakasaiyawo vanhu chiuru nemazana maviri nemakumi manomwe nevatanhatu, kana kuti 1 276, vachiri kurwara.

Huwandu hwevanhu vafa hwakaramba huri pamazana maviri nemakumi maviri nevapfumbamwe, kana kuti 229, sezvo pasina munhu akashaya pazuva iri.

Matunhu akawanikwa vanhu vane chirwere ichi anoti Bulawayo iine vapfumbamwe,Harare iine gumi, Mashonaland East iine vatanhatu neMashonaland West iine vanhu vanomwe.

Dunhu reMashonaland Central ndiro chete dunhu rakanga risina kana munhu mumwechete airwara nechirwere ichi, kuchitiwo dunhu reHarare riri iro rine vanhu vakawandisa vanosvika chiuru nezana nemakumi maviri nevapfumbamwe, kana kuti 1 129 vari kurwara.

Nyanzvi mune zvehutano vachidzidzisa paNottingham Trent University kuBritain, Doctor Mathew Nyashanu, vanoti kukwira kwehuwanda hwevakabatwa vaine chirwere ichi kunoratidza kuti chirwere chichakadzika midzi munyika.

Doctor Nyashanu vanoti hurumende inofarnirwa kusimbisa hurongwa hwekuvheneka vanhu mumatunhu ose, sezvo chirwere ichi chave kukwaisa kupararira kubva pakanyevenutswa mutemo wairambidza kufambafamba kwevanhu.

Vanotiwo veruzhinji vanofanirwa kuramba vachitevedzera mitemo inodzvirira kupararira kwehutachiwana hunokonzera chirwere ichi, yakaita sekugeza maoko, kuvhara miromo nemhino, kusiya mikaha pakati pavo, uyewo kusabatana maoko pamwe nekuungana.

Zvichakadaro, Johns Hopkins University inoti pasi rose vanhu vanodarika mamiriyoni makumi matatu nematanhatu nezviuru mazana mashanu nemakumi manomwe nezvinomwe, kana kuuti 36,577 000 vabatwa nechirwere ichi, uye vanodarika miriyoni imwe chete nrzviuru makumi matanhatu nezviviri, kana kuti 1,062 000, vafa nacho.

MuAmerica, umo mune vanhu vakawandisa pasi rose vabatwa neCovid-19, vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe nezviuru mazana matanhatu nezvipfumbamwe, kana 7, 609 000 vabatwa nacho, uye vanodarika zviuru mazana maviri negumi nezviviri, kana kuti 212 000, vafa nechirwere ichi.

Hurukuro naDoctor Mathew Nyashanu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG