Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzokurudzira Ongororo neDzidziso Zvakasimba Pamusoro peCovid-19


Mushandi wezvehutano achivheneka munhu kuona kana aine covid-19. Nyanzvi mune zvehutano dzinoti veruzhinji havafanirwe kuvarairwa nekuderera kwehuwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi.

Nyanzvi dzehutano dziri kukurudzira kuti bazi rezvehutano risimbise hurongwa hwekudzivirira kupararira kweCovid-19 kuburikidza nekuwedzera dzidziso muvanhu, senzira yekuti vanhu vasawarairwe vofunga kuti chirwere chakwanisa kusungwa mbiradzakondo.

Izvi zvinotevera kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi pamwe nekufa nacho mumazuva adarika, izvo zvinonzi nenyanzvi idzi zvinogona kukonzerwa nezvinhu zvakawanda, zvinosanganisa kuvhenekwa kwevanhu vashoma pazuva uyewo kusananga nzvimbo dzinganzi ndidzo madzinde edenda iri.

Izvi zvinotevera kuwanikwa neMuvhuro kwevanhu makumi maviri nevatatu, kana kuti 23 vaine chirwere ichi pavanhu mazana maviri nemakumi matanhatu nevatatu, kana kuti 263 vakavhenekwa nyika yose.

Bazi rezvehutano rakati huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose hwakasvika pazviuru zvinomwe nemazana manomwe nevatanhatu, kana kuti 7 706.

Munhu mumwe chete ndiye akafa neMuvhuro, izvo zvakasiya huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 hwasvika pamazana maviri nemakumi maviri nevatanhatu, kana kuti 226.

Vanhu vapona kubva kuchirwere ichi vakasvika pazviuru zvishanu nemazana mapfumbamwe ane makumi mana nevasere, kana kuti 5 948, kuchiti vachiri kurwara nechirwere ichi vave chiuru nemazana mashanu nemakumi matatu nevaviri, kana kuti 1 532.

Imwe nyanzvi mune zvehutano vachidzidzisa zvehutano paNottingham Trent University, Doctor Mathew Nyashanu, vanoti veruzhinji vanofanirwa kuramba vachipfeka ma mask, kugeza maoko, pamwe nekusiya mukaha pakati pavo sezvo chirwere ichi chiri kutowedzera mune dzimwe nyika.

Doctor Nyashanu vanotiwo veruzhinji havafanirwe kuvarairwa nekuderera kwehuwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere kana kuti vari kufa neCovid-19 nekuti zvinogona kunge zviri kukonzerwa nehuwandu hwevanhu vari kuvhenekwa pazuva, kanawo kuti nzvimbo dziri kuvhenekwa vanhu.

Zvichakadaro, huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 pasi rose hunonzi neJohns Hopkins University yemuAmerica hwadarika mamiriyoni makumi matatu neimwe nezviuru mazana matatu kana kuti 31,300 000, kuchitiwo vanhu vafa vadarika zviuru mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nezvishanu zvine mazana mashanu, kana kuti 965 500.

America ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi, avo vadarika mamiriyoni matanhatu ane zviuru mazana masere nemakumi mashanu nezvisere, kana kuti 6, 858 000, kuchiti vafa vachida kusvika mazana maviri ezviuru, kana kuti 200 000.

Hurukuro naDoctor Mathew Nyashanu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG