Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vabatwa neCOVID-19 muNyika Vanosvika paMakumi Mana neVatanhatu


Vashandi vemuchipatara vachipfeka nhumbi dzinodzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19. Vanhu vanosvika makumi mana nevatanhatu munyika vabatwa nechirwere ichi kusvika pari zvino.
Vashandi vemuchipatara vachipfeka nhumbi dzinodzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19. Vanhu vanosvika makumi mana nevatanhatu munyika vabatwa nechirwere ichi kusvika pari zvino.

Huwandu wevanhu vabatwa nechirwere cheCoronavirus kana kuti Covid-19 munyika hwakwira kusvika pamakumi mana nevatanhatu zvichitevera kuwanikwa kwevanhu vaviri muHarare vaine chirwere ichi muongororo yakaitwa nemusi weSvondo.

Huwandu hwevanhu vapona kubva kuchirwere ichi hwakwirawo kusvika pagumi nevasere, uye vashaya vachiri vana.

Nyanzvi mune zvehutano uye vari sachigaro vesangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Fortune Nyamande, vanoti panofanirwa kusimbaradzwa matanho ekudzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana kuitira kuti huwandu uhwu husarambe huchikwira.

Doctor Nyamande vanoti matanho akatorwa nehurumende anosanganisira kurambidza kufambafamba kwevanhhu, kuvhara miganho pamwe nekugarisa vanenge vabva kunze kwenyika kwavo voga ari kubatsira chose kuti huwandu uhwu hurambe huri pasi.

Asi vanoti hurumende inofanirwa kunzwawo kurudziro yavo yekuti huwandu hwevanhu vari kuongororwa kuti vane hutachiwana here kana kuti kwete hunofanirwa kukwira kuitira kuti paonekwe kuti hapasi kutapuriranwa here chirwere.

Panyaya yekupona kuri kuita vamwe kubva kuchirwere ichoi, Doctor Nyamande vanoti zvinogona kuita kuti chirwere ichi chinogona kupera choga pamunhu asina kupiwa mushonga sezvo pasati pave nemushonga unorapa chirwere ichi.

Asi vanoti vanachiremba vanogona kungopa munhu mushonga unoenderana nezviratidzo zvinenge zviri pamurwere kana kuti symptoms, kwete kuti vanenge vachirapa chirwere.

Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG