Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Voyambirwa Kusakanganwa Kuzvichengetedza Zvichitevera Kuderera kweVari Kubatwa neCovid-19


Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti varambe vachizvidzivirira kubva kuCovid-19 kunyange hazvo vari kubatwa nechirwere ichi vadzikira.
Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti varambe vachizvidzivirira kubva kuCovid-19 kunyange hazvo vari kubatwa nechirwere ichi vadzikira.

Bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika vakanga vasvika pazviuru zvinomwe nemazana masere ane gumi nevaviri kana kuti 7 812, zvichitevera kuwanikwa kwevamwe vapfumbamwe vaine chirwere ichi.

Vanhu vafa vachiri pamazana maviri nemakumi maviri nevanomwe kana kuti 227, sezvo pasina munhu akafa neSvondo yakare.

Vanhu vapora kubva kudenda iri vakanga vasvika zviuru zvitanhatu zvine zana nevatanhatu, izvo zvakasiya vanhu chiuru nemazana mana nemakumi manomwe nevapfumbamwe kana kuti 1 479 vachiri kurwara.

Izvi zvinotevera kupora kwevanhu makumi matatu nevapfumbamwe. Dunhu reMidlands harichisina kana munhu mumwechete ane chirwere ichi, ukuwo dunhu reMasvingo riine munhu mumwechete ari kurwara.

Harare ndiro dunhu rine vanhu vakawandisa vari kurwara vanosvika chiuru chimwechete nemazana maviri ane makumi mapfumbamwe nevana, kana kuti 1 294, Bulawayo iine vanhu zana nemumwe chete vari kurwara.

Nyanzvi dzehutano dzinoti vari muHarare neBulawayo vanofanira kuramba vakangwarira sezvo pari kuonekwa kuti vanhu vakawanda havachadi kupfeka zvivhara miromo nemhino, kana kuti ma mask, uye kusiya mikaha pakati pavo.

Imwe yenyanzvi idzi, Dr. Gilson Mandigo, vanoti vari kutambira nemufaro mukuru kudzikira kwehuwandu hwevanhu huri kubatwa kana kufa nechirwere cheCovid-19 vachiti matanho akatorwa nehurumende kudzivirira kupararira kwechirwere ichi akashanda chose.

Asi Dr. Mandigo vari kukurudzira veruzhinji kuti vasatora kudzikira uku sekunge chirwere chapera nekuti kune dzimwe nyika chirwere ichi chave kutosimuka zvakare, zvekuti nyika idzi dzave kutodzika zvakare mitemo inorambidza vanhu kufambafamba nezvimwe zvakadaro.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mana nemakumi mashanu nezvipfumbamwe kana kuti 1,459 000 vabatwa nechirwere ichi muAfrica. Vafa vasvika zviuru makumi matatu nezvishanu nemazana mana ane nemakumi mana kana kuti 35, 440, vapora muAfrica vachidarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri kana kuti 1,2 million.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi matatu nematatu kana kuti 33 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica, iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose, inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vanhu vafa nechirwere ichi muAmerica vadarika zviuru mazana maviri kana kuti 200,000.

Vanhu vafa pasi rose vadarika zviuru mazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nezvisere kana kuti 998 000. Vapora vadarika mamiriyoni makumi maviri nemaviri kana kuti 22 million.

Hurukuro naDr. Gilson Mandigo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG