Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano dzoshushikana neKuderera kweVanhu Vari Kubaiwa Nhomba yeTatu yeCovid-19


Kubva zvatanga chirongwa chekubaya vanhu nhomba yetatu musi wa 27 Zvita gore rapera, vanhu zviuru zvipfumbamwe chete ndivo vabaiwa.
Kubva zvatanga chirongwa chekubaya vanhu nhomba yetatu musi wa 27 Zvita gore rapera, vanhu zviuru zvipfumbamwe chete ndivo vabaiwa.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu gumi nevatanhatu (16) vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika yose, uye vamwe vanhu chiuru chimwe chete nezana nemakumi maviri (1,121) vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Izvi zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika yose pazviuru zvishanu zvine zana nevasere (5 108), ukuwo vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 kubva zvachatanga vava zviuru mazana maviri nemakumi maviri ane zana nemakumi manomwe nevasere (220 178).

Vanhu vapora kubva kuCovid-19 vakasviika pazviuru zana nemakumi mapfumbamwe nechimwe (191 000).

Kusvika pakupera kwezuva neChina, vanhu vakanga vabayiwa nhomba yekutanga yekudzivirira chirwere cheCovid-19 vakanga vave mamiriyoni mana ane zviuru zana nemakumi mashanu nezvitatu zvine mazana masere nemakumi manomwe nevapfumbamwe (4,153,879).

Vabayiwa nhomba dzose mbiri vave mamiriyoni matatu, ane zviuru zana nemakumi matanhatu nezvipfumbamwe nemazana manomwe nemakumi masere nevashanu, (3,169,785).

Vabaiwa nhomba yetatu kubva zvayatanga kubaiwa musi wa Zvita 27, 2021, vakasvika pazviuru zvipfumbamwe nemazana mashanu nevatatu (1,503), huwandu hunonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehutano hahufadzi.

Nyanzvi yezvehutano vari mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti hurumende nemasangano akazvimirira vanofanirwa kushanda zvakasimba mukupa dzidziso kune veruzhinji pamusoro penhomba iyi, uye kukurudzira kuti vaende kunobaiwa nhomba yetatu iyi.

Vanoti panofanirwa kuitwa zvirongwa zvinoita kuti vezvehutano vapinde muvanhu vachibaya nhomba idzi kana nyika ichida kusvitsa huwandu hwainotarisira kubaya, kwete kumirira kuti vanhu vaende kuzvipatara nenzvimbo dziri kubairwa veruzhinji.

VaRusike vanotiwo zvakakosha kuti vashandi vari pamberi mukurwisana neCovid-19, vakwegura pamwe nevagara vaine zvirwere zvavanazvo vaende kunobaiwa nhomba yetatu iyi, vachiti inobatsira kuwedzera simba renhomba mbiri dzekutanga.

Studio 7 yaedza kubata mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri kuti tinzwe zvizhinji pamusoro penhomba yetatu iyi asi vati havasi munyika. Tatadza kubata vavati titaure navi, Amai Joyleen Chimonyo sezvo nhare yavo yanga isingabatiki.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG