Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vabatwa neCovid-19 Hunokwira Mushure meKubatwa kweVamwe Makumi Mana neVashanu


Volunteer medical officers wearing protective gear prepare for swabbing to test for the COVID-19 coronavirus at a quarantine centre in Yangon on May 16, 2020. (Photo by Ye Aung THU / AFP)
Volunteer medical officers wearing protective gear prepare for swabbing to test for the COVID-19 coronavirus at a quarantine centre in Yangon on May 16, 2020. (Photo by Ye Aung THU / AFP)

Bazi rezvehutano rakazivisa neChipiri kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira kusvika pazviuru zvinomwe nemazana mashanu ane makumi manomwe nematanhatu, kana kuti 7 576 mushure mekunge vanhu makumi mana nevashanu kana kuti 45, vawanikwa vaine chirwere ichi.

Pavanhu ava vanhu makumi mana nevana vagara vari munyika, mumwe chete ari akadzoka munyika kubva kuNamibia.

Hapana munhu akshaya nechirwere ichi izvo zvakaita kuti vanhu vafa varambe vari pamazana maviri nemakumi maviri nevana, kana kuti 224.

Vanhu vakanga vapona kubva kuCovid-19 kusvika neChipiri vanonzi vakanga vasvika pazviuru zvishanu nemazana manomwe ane makumi masere nevatatu, kana kuti 5 783.

Izvi zvakasiya vanhu chiuru nemazana mashanu nemakumi matanhatu nevapfumbamwe, kana kuti 1 569 vachiri kurwara nechirwere ichi.

Pasi rose vanhu vanodarika mamiriyoni makumi maviri nemapfumbamwe nezviuru mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nezvisere kana kuti 29 398 000, vabatwa nechirwere ichi, icho chaurayawo vanhu vadarika zviuru mazana mapfumbamwe nemakumi matata zvine mazana mapfumbamwe kana kuti 930 900 pasi rose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG