Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vabatwa neCovid-19 Hunosvika paMakumi Mana neVasere


Makambani akawanda ari mushishi kutsvaga mushonga wenhomba unokwanisa kudzivirira Covid-19 kuti isatauriranwa kana kuti vaccine.
Makambani akawanda ari mushishi kutsvaga mushonga wenhomba unokwanisa kudzivirira Covid-19 kuti isatauriranwa kana kuti vaccine.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere che Covid-19 munyika hwakwira kusvika pamakumi mana nevasere zvichitevera kuwanikwa kwevanhu vaviri vaine chirwere ichi neChitatu.

Bazi rezvehutano nekurerwa zvakanaka kwevana rakazivisa nezuro manheru kuti munhu mumwe chete akawanikwa aine chirwere ichi kuMasvingo, mumwechete zvakare akawanikwawo aine chirwere ichi kuMidlands muongororo dzakaitwa neChitatu chakare.

Vanhu vapona kubva muchirwere ichi vachiri gumi nevasere, uye vashaya vachiri vana. Huwandu uhwu hwunogona kukwira kana kusakwira, zvichienderana nekuti hurumende inenge yawaneyi panopera zuva remusi weChina.

Hurumende inoti yakavheneka vanhu vanosvika mazana masere nemakumi matatu nemusi weChitatu, uye vanhu vaongororwa muZimbabwe kusvika pari zvino, vava zviuru makumi matatu nezviviri nemazana masere ane makumi matanhatu nevaviri, kana kuti 32, 862.

Johns Hopkins University Hospital yemuAmerica inoti pasi rose vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika mamiriyoni mashanu, kuchitiwo vafa vadarika zviuru mazana matatu nemakumi maviri nezvisere.

Vanhu vavhenekwa hutachiwana pasi rose vadarika mamiriyoni gumi nemaviri.

MuAmerica vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika miriyoni nechidimbu uye vafa vadarika zviuru makumi mapfumbamwe nezvitatu.

Kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 muZimbabwe kunouya panguva iyo hurumende iri kunzi ine hurongwa hwekusimbisa mutemo wekuti vanhu vasafambefambe kana kuti lockdown, paine kutyirwa kuti chirwere ichi chingangosimba kudarika zvachiri iye zvino munyika.

Mamwe masangano anonzi ari kunyunyutawo kuti vanhu vari kunyanya kufambafamba, izvo zvinonzi zviri kuita kuti mutemo uyu ushaye basa.

Gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo, vanonzi vakaudza bepanhau reDaily News kuti hurumende ichawedzera mauto nemapurisa mumigwagwa senzira yekusimbisa mutemo uyu, uye kusimbisa mitemo yeWorld Health Organisation inodzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana.

Asi murwiri wekodzero dzevanhu vachitungamira sangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti dambudziko riripo nderekuti mitemo iyi iri kunyanya kuomesera varombo, avo vari kumanikidzwa kufambafamba nekuda kwenzara.

VaMaguwu vanoti hurumende inofanirwa kutanga yarovana masoro nemapoka ose anosanganisira masangano anomirira vatengi, vemabhizimusi, vanozviita mabasa emaoko, pamwe nevanorarama nekutengesa kuitira kuti vaonesane kuti dambudziko rekufambafamba kwevanhu ringagadziriswe sei.

Vanoti chiri kunyanya kunetsa munyika ndechekuti vanhu vanodarika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana vari kurarama nekuzvishandira, uye vari pamabasa vacho havachagoni mupedza mwedzi nemari dzemihoro yavari kuwana, izvo zvinozoita kuti vatsvage chekuwedzera nacho mari.

"Isusu chatiri kukurudzira ndechekuti hurumrnde ngaitaure nevanhu muZimbabwe. Hurumende ngairege kudzika mutemo isina kuita yatinoti consultation, tsvakurudzo yepfungwa dzevanhu, kuti vari kufungeyi padambudziko iri," VaMaguwu vanodaro.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG