Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Yokurudzira Kusimbiswa kweDziviriro Munzvimbo Dzabatwa Zvakanyanya neCovid-19


Nyanzvi mune zvehutano vachidzidzisa paNottingham trent University, Doctor Mathew Nyashanu, vanoti bazi rezvehutano rinofanirwa kusimbisa kuongorora kupararira kwechirwere munzvimbo dzachakaputika.
Nyanzvi mune zvehutano vachidzidzisa paNottingham trent University, Doctor Mathew Nyashanu, vanoti bazi rezvehutano rinofanirwa kusimbisa kuongorora kupararira kwechirwere munzvimbo dzachakaputika.

Bazi rezvehutano rakazivisa neMuvhuro kuti huwandu hwevanhu vafa munyika nechirwere cheCovid-19 hwakanga hwasvika pamazana maviri nevaviri, kana kuti 202 mushure mekushaya kwevamwe vatanhatu.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vakasvika neChipiri chakare pazviuru zvitanhatu nemazana mana nemakumi mapfumbamwe nevanomwe, kana kuti 6,497.

Vanhu vakanga vapora kuchirwere ichi vakanga vasvika pazviuru zvishanu nemazana maviri ane makumi maviri nemumwe, kana kuti 5,221.

Izvi zvakasiya vanhu vanosvika chiuru nemakumi manomwe nevana kana kuti 1,074 vaine chirwere ichi munyika yose.

Vanhu vanosvika mazana masere nemakumi matatu nevatanhatu, kana kuti 836, ndivo vakavhenekwa kuona kana vaine chirwere cheCovid-19 munyika yose.

Huwandu hwevanhu vakavhenekwa uhwu hunonzi nenyanzvi mune zvehutano uye vari mudzidzisi paNottingham Trent Univerasity kuEngland, Doctor Mathew Nyashanu, hushoma zvikuru pachitariswa huwandu hwevanhu munyika yose, zvekuti nyika iti iri kuita basa mukurwisana nechirwere ichi.

Doctor Nyashanu vanotiwo kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kufa munongedzo wekuti chirwere chakapararira muvanhu vakawanda, izvo zvinofanirwa kuvhundutsa vanhu, potora patanho nekukasika.

Vanoti bazi rezvehutano rinofanirwa kusimbisa matanho anosanganisira kuvhenekwa kwevanhu kana vaine chirwere, kuongorora kupararira kwechirwere, pamwe nekusimbisa dzidziso yekudzivirira kupararira kwechirwere munzvimbo dzakaonekwa sekwachakaputika zvakanyanya, dzakaita seHarare neBulawayo.

Hurukuro naDoctor Mathew Nyashanu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, Johns Hopkins University Hospital yemuAmerica inoti vanhu vabatwa neCovid-19 pasi rose vadarika mamiriyoni makumi maviri nemashanu nezviuru mazana mashanu, kana kuti 25.5 million.

Chipatara ichi chinoti vanhu vafa pasi rose vadarika mazana masere nemakumi mashanu ezviuru, kana kuti 850,000.

America ndiyo iri pamusoro iine vanhu vanodarika mamiriyoni matanhatu kana kuti 6 million vabatwa neCovid-19, kuchiti vanhu vafa vachidarikawo zviuru zana nemakumi masere nezvitatu, kana kuti 183,000.

South Africa ndiyo iri pamussoro muAfrica yose iine vanhu vanodarika zviuru mazana matanhatu nemakumi maviri nezvinomwe, kana kuti 627,000, vafa vachidarikawo zviuru gumi nezvina kana kuti 14,000.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG