Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kufa neCovid-19 Hunokwira muNyika


Huwandu hwevanhu vari kufa neCovid-19 huri kuramba huchikwira munyika.
Huwandu hwevanhu vari kufa neCovid-19 huri kuramba huchikwira munyika.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakanga hwasvika pazana nemakumi masere nevapfumbamwe, kana kuti 189, mushure mekushaya kwevamwe vanhu gumi.

Vanhu makumi mana nemumwe kana kuti 41 ndivo vakawanikwa vaine chirwere ichi pavanhu mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nemumwe kana kuti 951, vakavhenekwa kuona kana vaine chirwere ichi.

Pavanhu ava, makumi matatu nevasere kana kuti 38 vanhu vagara vari munyika, kuchiti vamwe vatatu kana kuti 3, vari vanhu vakadzoka munyika vachibva kuSouth Africa.

Vanhu zviuru zvitanhatu nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevaviri kana kuti 6 292, vakabatwa nechirwere ichi munyika yose, kunyange hazvo paine vamwe vanosvika zviuru zvishanu negumi kana kuti 5 010. vapora kubva kuCovid-19.

Izvi zvinosiya vanhu chiuru nemakumi mapfumbamwe nevatatu, kana kuti 1 093 vachine chirwere ichi. Izvi zvinouya panguva iyo sangano reCommunity Working Group on Health riri kudzidzisa vanotungamira nyaya dzehutano munharaunda pamusoro peCovid-19 uye kuti chirwere ichi chingadzivirirwa sei.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti sangano ravo rakabatana nebazi rezvehutano riri kushanda pamwe nemakanzuru kupa ruzivo kune vanoita zvehutano mumadhorobha nemumaruwa.

Vanoti vawaniswawo mabhasikoro akawanda kwazvo nesangano re World Bicycle Relief, ayo achashandiswa zvikuru mumaruwa mukurwisana nedenda iri.

Zvichakadaro, Johns Hopkins University Hospital, iyo iri kuongorora kupararira kweCovid-19 pasi rose, inoti vanhu vanodarika mamiriyoni makumi maviri nemana nemazana mana ezviuru, kana kuti 24,400 000 vabatwa nechirwere ichi pasi rose, icho chaurayawo vamwe vanodarika zviuru mazana masere nemakumi matatu nezviviri kana kuti 832 000.

America ndiyo iri pamusoro pasi rose iine vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana masere nemakumi matanhatu nezvipfumbamwe, kana kuti 5, 869 000 Vanhu vafa muAmerica vadarika zviuru zana nemakumi masere kana kuti 180 000.

South Africa, iyo iri pamusoro muAfrica yose, ine vanhu vanodarika zviuru mazana matanhatu negumi nezvisere kana kuti 618 000 vabatwa nechirwere ichi, kuchitiwo vafa nacho vadarika zviuru gumi nezvitatu zvine mazana matanhatu, kana kuti 13 600.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG