Accessibility links

Breaking News

Bazi rezveHutano Rinozivisa Kuti Vanhu Gumi neVatanhatu Vakafa neChishanu neCovid-19


Huwandu hwevanhu vari kubaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 huri kukwira kunyange hazvo husati hwasvika pari kutarisirwa nehurumende pemamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana.
Huwandu hwevanhu vari kubaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 huri kukwira kunyange hazvo husati hwasvika pari kutarisirwa nehurumende pemamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana.

Bazi rezvehutano rakazivisa neChishanu kuti vanhu gumi nevatanhatu (16) vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika yose, uye vamwe vanhu mazana mashanu nemakumi mashanu nevatatu (553) vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Izvi zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 munyika yose pazviuru zvishanu zvine mazana maviri ane makumi matatu nevasere (5,238), ukuwo vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 kubva zvachatanga munyika yose vava zviuru mazana maviri nemakumi maviri nezvishanu, zvine mazana matanhatu nemakumi matatu nevanomwe (225 637).

Kusvika pakupera kwezuva neChishanu, vanhu vakanga vabayiwa nhomba yekutanga yekudzivirira chirwere checovid-19 vakanga vave mamiriyoni mana ane zviuru zana nemakumi mapfumbamwe nevapfumbamwe nemazana maviri ane gumi nevashanu, (4,199 215).

Vanhu vakanga vabayiwa nhomba dzose mbiri vakasvika pamamiriyoni matatu ane zviuru mazana maviri ane makumi maviri nezvina, zvine mazana mashanu ane makumi matanhatu nevana (3,224 654); ukuwo, vabaiwa nhomba yechitatu vave zviuru makumi maviri nezvishanu, zvine makumi masere nevashanu (25,085).

Huwandu uhu hunogona kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana muongororo dzaitwa. hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yecovid-19 vanhu mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG