Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vabatwa neCovid-19 Hunoramba Huchikwira Munyika


Huwandu hwevanhuvabatwa neCovid-19 munyika huri kukwira, zvikuru muvanhu vakadzoka kubva kunze kwenyika.
Huwandu hwevanhuvabatwa neCovid-19 munyika huri kukwira, zvikuru muvanhu vakadzoka kubva kunze kwenyika.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika huri kuramba huchikwira zvakanyanya zvichitevera kuwanikwa kwevamwe gumi nevanomwe (17) vaine chirwere ichi pakati pevanhu zviuru zviviri nemazana mana nemakumi mapfumbamwe nevashanu (2 495) vakavhenekwa nemusi weChina.

Bazi rezvehutano rakazivisa neChina manheru kuti huwandu hwevanhu vane chirwere cheCovid-19 munyika yose hwange hwave pazana nemakumi mana nevapfumbamwe (149).

Vanhu vapona kubva kuchirwere ichi vasvikawo pamakumi maviri nevasere (28), uye vafa nechirwere ichi vachiri vana (4).

Izvi zvinouya panguva iyo vanachiremba pachipatara cheGweru Provincial Hospital vakabudirira neChina wakare kusunungutsa mudzimai aive nepamuviri ane chirwere cheCovid-19, muchiitiko chinove chekutanga muZimbabwe.

Sangano ravanachiremba vakuru, reZimbabwe Senior Hospital Doctors Assciation, rinoti vanachiremba ava vakakwanisa kusunungutsa mudzimai uyu kuburikidza nekumuvhiya kuti vakwanise kuburitsa mwana.

Huwandu hwevanhu vavhenekwa kuti vane chirwere cheCovid-19 here kana kuti kwete munyika yose hunonzi hwasvika pazviuru makumi mana nemazana masere ane makumi mana nevanomwe (40 847).

Chipatara cheJohns Hopkins chemuAmerica chinoti pasi rose huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi hwadarika mamiriyoni mashanu nemazana masere ezviuru (5,8 million), kuchitiwo vafa vadarika mazana matatu nemakumi matanhatu ezviuru (360 000).

Chipatara ichi chinoti vanhu vaongororwa pasi rose vadarika mamiriyoni gumi neshanu nemazana matanhatu ezviuru (15.6 million).

Muno muAmerica vanhu vanodarika miriyoni nemazana manomwe ezviuru (1.7 million) vabatwa nechirwere ichi, uye vashaya vadarikawo zviuru zana nechimwe nemazana matanhatu nemakumi maviri nemumwe chete (101.621).

Mumwe chiremba ataura akazvimirira, Doctor Gilson Mandigo, vanoti zvinotyisa kuti huwandu hwevanhu vabatwa chirwere che Covid-19 hwanyanya kukwira zvikuru svondo rino.

Asi vanoti chakanaka panyaya iyi ndechekuti vanhu ava vari munzvimbo dzavakachengetedzwa kana kuti quarantine centres, zvekuti havakwanise kuparadzira chirwere ichi kune vamwe vagara vari munyika.

Doctor Mandigo vakorokotedzawo kubudirira kwakaita vanachiremba vekuchiptarata cheGweru Provincial Hopsital, vachiti mucherechedzo wekuti hazvisi zvinhu zvose zvakashata zviri kubuda mubazi rezvehutano, kune zvimwe zvakanakawo zviri kuitika, kunyange hazvo vanachiremba navanamukoti vari kushupika.

Hurukuro naDoctor Gilson Mandigo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG