Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu vaviri vakafa neCovid-19, mumwe kuMidlands nemumwe kuMasvingo, uye vanhu makumi maviri nevatatu vakawanikwa vaine chirwere ichi.
Vese vanhu vakawanikwa vaine chirwere ichi vanhu vagara vari munyika, vasina nhoroondo yekubuda kunze kwenyika.
Kushaya kwevanhu vaviri uku kwakasiya huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 kubva patanga denda iri hwazvika pachiuru chimwe chine mazana mashanu nemakumi masere nevashanu, kana kuti 1 585.
Huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 hwakasvikawo pazviuru makumi matatu nezvisere zvine mazana matanhatu nemakumi matatu nevashanu, kana kuti 38 635.
Kusvikawo nemusi weChina, vanhu vanosvika zviuru mazana matanhatu negumi nezvishanu nemazana maviri ane makumi mapfumbamwe mevatanhatu, kana kuti 615 296, vabaiwa nhomba yekudzivirira COVID-19 kubva zvatanga chirongwa ichi.
Facebook Forum