Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa kuWedzera Huwandu hweVanhu Vari Kuvhenekwa Covid-19


Dzimwe nyanzvi mune zvehutano dzinoti huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa Covid-19 hunofanirwa kuwedzerwa zvakanyanya.
Dzimwe nyanzvi mune zvehutano dzinoti huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa Covid-19 hunofanirwa kuwedzerwa zvakanyanya.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChitatu kuti vanhu makumi maviri, kana kuti 20, vakafa neCovid-19 neChitatu wakare, vamwe zana nemakumi mashanu, kana kuti 150 vachiwanikwa vaine chirwere ichi.

Vanhu vose vakawanikwa vaine chirwere ichi vanhu vagara vari munyika, uye makumi mashanu nemumwe vari mudunhu reHarare.

Bazi rezvehutano rinoti kusvika musi wa 02 Kukadzi, vanhu zana nemakumi manomwe nevasere kana kuti 178, vakanga vari muzvipatara nekuda kwechirwere ichi.

Pavanhu ava makumi mapfumbamwe nevasere, kana kuti 98 vari kurwara zviri pakati nepakati, makumi matanhatu nevashanu vari kurwara zvakanyanya, kuchitiwo gumi nevashanu vari mu Intensive Care Unit.

Vanhu zviuru zviviri nemazana masere ane makumi maviri nevapfumbamwe, kana kuti 2 829, ndivo vakavhenekwa nezuro kuona kana vaine chirwere ichi.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere munyika yose hwakasvika pazviuru makumi matatu nezvitatu zvine mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nevana, kana kuti 33 964.

Huwandu hwevanhu vapona hwakasvika pazviuru makumi maviri nezvinomwe zvine mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nemumwe, kana kuti 27 391, kuchitiwo vanhu vachiri kurwara neCovid-19 vakasvika pazviuru zvishanu zvine mazana matatu nevana, kana kuti 5 304.

Huwandu hwevanhu vafa nyika yose hwakakwira kusvika pachiuru nemazana maviri anemakumi matanhatu nevapfumbamwe, kana kuti 1 269.

Dzimwe nyanzvi dzehutano dzinoiti dzinofadzwa nekuderera kwehuwandu hwevari kubatwa pamwe nekufa nechirwere ichi dzichiti zvinogona kunge kuri kukonzerwa nematanho ari kutorwa ekudzivirira kupararira kwehutachiwana.

Asi mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti vanoona sekunge kuderera kwehuwandu hwevari kubatwa neCovid-19 iri nyaya yekuti vanhu vari kuvhenekwa pazuva vashoma, zvoita sekunge zvinhu zvave kureruka.

"Tine vanhu vazhinji vari kufamba vasingatomboziva status yavo yeCovid-19. Hondo yatiinayo, eeh, ndiyoyo ye testing capacity. Hatina testing capacity yakakwana," vanodaro VaRusike.

Hatina kukwanisa kubata vakafanobata chigaro chegurukota rezvehutano, uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, kana mukuru anoona nezvekurwisana neCovid-19 muhofisi yemutungamiri wenyika, Dr. Agnes Mahomva, kuti tinzwe nezvehudzamu hwekuvhenekwa kwevanhu munyika.

Hurumende yakazivisa svondo rino kuti iri kutarisira kuwana mushonga wenhomba wekutanga kubva kuChina.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG