Imwe nyanzvi mune zvehutano inoti kuderera kwehuwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere che Covid-19 munyika pamwe nevari kufa nacho chinhu chakanaka chose, asi izvi hazvifanirwe kuita kuti vanhu vavarairwe vokanganwa kuzvichengetedza.
Doctor Mathew Nyashanu, avo vanodzidzisa zvehutano paNottingham Trent University kuBritain, vanotiwo hurongwa hweSouth Africa hwekuvhura miganho yayo hwakanakira vana veZimbabwe vagara vachipinda munyika iyi kunoita mabhindauko avo, asi vanhu vanofanirwa kurangarira kuti nyika iyi ndiyo ine vanhu vakawandisa muAfrica yose vabatwa pamwe nekufa nechirwere cheCovid-19.
Doctor Nyashanu vanoti nekuda kwaizvozvo, panofanirwa kutorwa matanho akasimba ekuona kuti vese vachapinda munyika iyi vavhenekwa zvakasimba, uye vakachengetedzeka kuti vasanotapura chirwere ichi vachizodzoka nacho munyika vachizoparadzirawo kune vamwe.
Vanotiwo hurumende inofanirwa kuti iwedzere huwandu hwevanhu vanovhenekwa pazuva, uyewo kuti igozodzivirira kuunganidzwa kwevanhu kumiganho vozopedzisira vatapurirana hutachiwana zvakare.
South Africa yakazivisa kuti ichavhura miganho yayo musi wa 01 Gumiguru, unove mwedzi unouya kubvumidza vashanyi nevanoda kunoita zvebhizimusi munyika iyi, uye ichavhurawo nhandare nhatu dzichasvikira vanhu.
Doctor Nyashanu vanoti nekuda kwekukwira kwehuwandu vave kubatwa zvakare neCovid-19 pasi rose, nyika dzakawanda dzinosanganisira Englad, Germany, France neAmerica dzave kusimbisa zvakare matanho ekudzivirira kutapuriranwa kwechirwere ichi.
Facebook Forum