Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika pamwe nevashanyi vachada kupinda munyika munguva yezororo reEaster vanonzi vanofanirwa kuve nemagwaro anoratidza kuti vakavhenekwa chirwere cheCovid-19 pachishandiswa mushina wePCR.
Gwaro iri rinonzi harifanirwe kunge richidarika maawa makumi mana nemasere kubva parinenge rapiwa.
Kunyange hazvo izvi zvagara zviri izvo zviri kuitika nguva dzose panopinda munhu munyika, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasimbisa mutemo uyu kuburikidza nemashoko avo avapa kunyika.
Vati vanenge vasina magwaro anoratidza kuti havana hutachiwana hweCovid-19 vanozoiswa kumahotera akatarwa kuchengeta vanhu vakadai kwavanozogara kwemazuva gumi vachibhadhara vega mari dzekugara.
Izvi zviri kuuyawo panguva iyo mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vanyevenutsa mitemo inorambidza kufambafamba kwevanhu pamwe nekuungana munguva inop yezororo reEaster, kunyange hazvo vanhu vakurudzirwa kuti vatevere mitemo yekudzivirira Covid-19.
Sachigaro vesangano reZimbabwe Human Rights Organisation muSouth Africa, Va Azaria Dube Nduna, vanoti mashoko aVaMnangagwa akanaka chose sezvo achichengetedza hutano hwevan veZimbabwe.
Asi VaDube Nduna vanoti dambudziko riri pakuti vanhu vose vachada kuenda kumusha vange vachiwana magwaro aya mukatimenguva yatarwa iyi, pachitariswa kuti anoda mari kuti avepo.
Vanoti vanokurudzira zvikuru kuti vanhu vatevere mitemo, kwete kuti vaite zvekuzoyambuka miganho zviri kunze kwemutemo, kana kuwana magwaro asiri echokwadi ekuti vashandise kupinda munyika.
Hurumende iri kuedaa kudzivirira kukwira kwechirwere ihci sezvakaitika muna Zvita apo huwandu hwevanhu vakabatwa pamwe nekufa neCovid-19 muZimbabwe hwakakwira zvakanyanya munguva yezororo reKisimusi zvichitevera kupinda munyika kwevanhu vaibva kune dzimwe nyika.
Facebook Forum