Hurumende inonzi yave nenzvimbo dzakawanda dzemunyika dzayakatara kuti dzinge dzichishandiswa sezvipatara zvekurapira varwere veCOVID-19, uye iri mushishi kushara dzimwe nzvimbo mumatunhu ose dzichashandiswa senzvimbo dzekutambirira vanenge vawanikwa vaine chirwere ichi vasati vaendeswa kuzvipatara zvikuru zvinenge zvichizovarapa.
Mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Doctor Portia Manangazira, vanoti vane zvipatara makumi matatu zvavakatosarudza munyika yose sezvipatara zvichange zvichirapa varwere vanenge vaine zvirwere zvinotapuriranwa.
Doctor Manangazira vanoti zvipatara izvi ndizvo zvichange zvichizorapirwa varwere vanenge vawanikwa vaine hutachiwana hwe coronavirus.
"Takanongedza nzvimbo dzingaite 30 kusanganisira ma central hospital edu, ma provincial hospitals, nema district hospitals. Saka tiri kunyanya kunongedzera nzvimbo idzodzo 30, asi tinoda zvakare situation yekuti district hospital yega yega iri kukwanisa kutambira varwere veCOVID-19."
Doctor Manangazira vanoti pamusoro pezvipatara zvinoti Wilkins, Beatrice neThorngrove, izvo zvagara zvichirapa zvirwere zvinotapuriranwa, hurumende ichamutsiridzawo zvimwe zvipatara zvakafanana neizvi mune mamwe maguta anosanganisira Mutare neGweru.
Vanoti kana vachinge vapedza kusarudza nzvimbo dzemumatunhu maduku nematunhu makuru, vachazopa dzidziso yakasimba pamusoro pemabatirwo anofanirwa kuitwa varwere kuna vanachiremba navamukoti vachange vachizoshanda muzvipatara nenzvimbo idzi.
Zimbabwe ine vanhu vanosvika mazana matatu nemakumi maviri vakatoongororwa kana vaive nehutachiwana hwe coronavirus, vapfumbamwe vakawanikwa vaine chirwere ichi.
Munhu mumwechete, Zororo Makamba, ndiye akashaya.
Pasi rose coronavirus yabata vanhu vanodarika miriyoni nemazana maviri ezviuru, uye vanhu vanodarika makumi manomwe ezviuru nemazana mashanu vafa nchirwere ichi.
Pari zvino chipatara cheSally Mugabe Central Hospital ndicho chete munyika yose chiri kukwanisa kuongorora kana munhu aine hutachiwana hwe coronavirus.
Facebook Forum