Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yave neVanhu Gumi neMumwe Chete Vabatwa neCovid-19


COVID-19 Map
COVID-19 Map

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCoronavirus munyika hwasvika pavanhu gumi nemumwe chete zvichitevera kubatwa kwemumwe mudzimai nechirwere ichi uyo akanga ashanyira kuBritain masvondo maviri apfuura, pamwe nemurume akashaya kuBulawayo mukupera kwesvondo.

Gwaro raburitswa nebazi rezvehutano rinoti mudzimai wemuHarare ane makore makumi maviri nemana akawanikwa ayine chirwere cheCoronavirus mushure mekunge ashanyira Britain, ukuwo murume ane makore makumi manomwe nemapfumbamwe achigara muBulawayo, akashaya neMugovera muchipatara kwakare kuBulawayo.

VeRapid Response Team vanonzi vakaenda kumba kwemudzimai uyu mushure mekufonerwa vakasvikoongorora mhuri yese.

Pari zvino hutano hwake hunonzi hausi panjodzi.

Bazi rezvehutano rinoti riri kuita zvose zvarinogona kuramba richiongorora hutano hwevarwere ava uyezve neavo vese vangadai vakasangana navo.

Chirwere cheCoronavirus chavhiringa pasi rose, uye kukonzeresa kuti vanhu vanodarika mabhiriyoni mana, vagare mudzimba dzavo senzira yekuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.

Pasi rose vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nemazana matatu ane makumi matanhatu ezviuru, vabatwa nechirwere ichi, icho chaurayawo vanhu vanodarika zviuru makumi manomwe nezvishanu, kusanganirisa Zororo Makamba wemuZimbabwe, uyo akashaya gore rapera.

Nyika yanyanya kuvhiringwa neCoronavirus iAmerica, iyo ine vanhu vanodarika nazana matatu nemakumi matanhatu ezviuru, uye vanhu vafa munyika iyi vava kudarika zviuru gumi nemazana mapfambumwe.

Italy ndiyo ine vanhu vakawandisa vafa, avo vadarika zviuru gumi nezvitanhatu nemazana mashanu, ichiteverwa neSpain, iyo ine vanhu vafa vanodarika zviuru gumi nezvitanhatu nemazana mashanu.

Kunyange hazvo Zimbabwe iri kuita ongororo yayo pavanhu vanofungidzirwa kuti vane chirwere cheCoronavirus, mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, VaWensilus Nyamayaro, vanoti vanoendesawo masamples avanenge vaongorora kuSouth Africa senzira yekusimbisa wongororo yavanenge vaita munyika.

VaNyamayaro vanoti izvi hazvireve kuti nyika haigone kunyatsoongorora kuti munhu ane chirwere cheCoronavirus here kana kuti kwete, asi vanoti zvavari kuita ndizvo zvinokurudzirwa neWorld Health Organisation.

Dr Nyamayaro vakurudzira hurumende kuti iongorore vanhu vose vanopinda nendege munyika kusanganisira nhandare diki dzevanhuwo zvavo dzakaita seKariba nePrince Charles airdrone.

Dr Nyamayaro vanoti dunhu ravo rinoda mari inosvika miriyoni imwechete yemadhora yekuti vawane zvikwanisiro zvekurwisa cherwere cheCoronavirus uye vanoti dunhu ravo rakasarudza nzvimbogumi dzichachengeterwa vanhu vanenge varwara nechirwere cheCoronavirus.

Mune imwewo nyaya sangano rakazvimiririra reNGO Forum razivisa mugwaro raro raraburitsa kuti ratambira nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu dzinosanganisira nyaya zana negumi nesere dzekusungwa kwevanhu munzvimbo dzinoti Masvingo, Gweru, Bulawayo, Hwange, Harare neChinhoyi, nyaya dzekurohwa kwevanhu makumi mashanu nevatanhatu munzvimbo dzinoti Zvishavane, Wedza, Harare, Masvingo, Bulawayo neChinhoyi uye nyaya ina dzekushungurudzwa kwevatori venhau munzvimbo dzinoti Mutare, Harare, Gweru neChinhoyi.

Vanhu vakawanda munyika vanoti vari kusungwa pamwe nekurohwa nemapurisa nemasoja apo vanenge vabuda mudzimba vachitsvaga zvekudya.

Hatina kunzwa divi remasoja panyaya iyi asi mukuru wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Amai Priscilla Makotose, vakabvuma svondo rino kuti vari kusunga vanhu vakawanda uye vane dambudziko rekushaya zvipfeko zvinodzikisa kutapuriranwa kwechirwere cheCoronavirus.

Senzira yekuderedza kupararira kwechirwere cheCoronavirus, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakavhara nyika kwemasvondo matatu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG