Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatatu Vanofa neCOVID-19 paNguva Iyo Huwandu hweVari Kuwanikwa Vaine Denda Hwakwira


Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vabaiwe nhomba yekudzivirira Covid-19 panguva iyo hutachiwana hweOmicron hwave munyika.
Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vabaiwe nhomba yekudzivirira Covid-19 panguva iyo hutachiwana hweOmicron hwave munyika.

Bazi rezvehutano razivisa neChipiri mangwanani kuti vanhu vatatu vakafa neMuvhuro neCovid-19, uye huwandu hwevanhu vakawanikwa vaine denda iri Muvhuro wakare hwakakwira zvakanyanya kusvika pazviuru zviviri nemazana mashanu ane makumi mashanu nevashanu, kana kuti 2 555.

Izvi zvakasiya vanhu vafa neCovid-19 vave pazviuru zvina nemazana manomwe nemakumi matatu, kana kuti 4 713, kuchitiwo vanhu vabatwa neCovid-19 kubva patanga chirwere ichi munyika vakasvika pazviuru zana nemakumi mana nechimwe namazana matanhatu nemumwe kana kuti 141 601.

Vanhu mamiriyoni matatu nezviuru mazana masere nemakumi masere nezvitatu zvine mazana maviri nemakumi mashanu nevashanu, kana kuti 3,882 255 vakanga vabaiwa nhomba yekudzivirira COVID-19 pakupera kwezuva neMuvhuro.

Vamwe mamiriyoni maviri nezviuru mazana masere nemakumi mapfumbamwe nezviviri zvine mazana matatu nemakumi matanhatu nevatanhatu, kana kuti 2,892 366, vakanga vabaiwawo nhomba yepiri sezvinokurudzirwa.

Huwandu hwevanhu vakabatwa neCovid-19 uhwu huri kukwira kubva pamazana mashanu nemakumi maviri nevatatu, kana kuti 523, vakawanikwa vaine denda iri nemusi weSvondo, kuchitiwo neMugovera vanhu chiuru nemakumi masere nevaviri, kana kuti 1 082, vakawanikwawo vaine Covid-19.

Hurumende yakazivisa svondo rapera kuti hutachiwana hweOmicron hwakanga hwawanikwa munyika pavanhu makumi mashanu vakavhenekwa kuMasvingo.

Mukuru wesangano rinorwira hutano hwakanaka munharaunda, reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti havasi kushamisika nekukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 mazuvano sezvo paine kuvarairwa kweveruzhinji kwakanyanya.

VaRusike vanoti nekupinda munyika kwehutachiwana hweOmicron, veruzhinji vanofanirwa kuramba vachitevedzera nzira dzekudzivirira nadzo kupararira kweCovid-19, dzakaita sekugeza maoko, kupfeka mamasiki, kugara madaranganwa pamwe nekusaenda munzvimbo dzakawanda vanhu.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG