Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzoshushikana neKukwira kweHuwandu hweVanhu Vari Kutwa neCovid-19


Vanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 vanonzi vari kuwanda, zvikuru muzvikoro.
Vanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 vanonzi vari kuwanda, zvikuru muzvikoro.

Bazi rezvehutano rakazivisa neMuvhuro kuti vanhu zana nevasere kana kuti 108, vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 neMuvhuro wakare uye hapana munhu akafa nekuda kwechirwere ichi.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi munyika kubva zvakachatanga hwasvika zviuru makumi matatu nezvinomwe zvine mazana masere nemakumi mashanu ane vapfumbamwe, kana kuti 37 859.

Huwandu hwevanhu vafa hwakaramba huri pachiuru chine mazana mashanu nemakumi mashanu nevatatu, kana kuti 1 553.

Bazi iri rakazivisawo zvakare kuti vanhu chiuru nemazana mapfumbamwe nemakumi masere nevashanu, kana kuti 1985, vakabaiwawo nhomba yekutanga neMuvhuro wakare.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yekutanga hwasvika pazviuru mazana maviri nemakumi masere nemazana mashanu nemakumi matanhatu nevasere, kana kuti 280 568.

Vamwe mazana mashanu nemakumi matanhatu, kana kuti 560, vakabaiwawo nhomba yepiri izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yepiri pazviuru makumi matatu nezviviri nemazana mana ane makumi maviri nevatatu, kana kuti 36 423.

Kukwira kwehandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 kunouya panguva iyo vana vezvirokoro zvine chitsama vari kunzi vari kuwanikwa vaine chirwere ichi.

NeMugovera vana vepachikoro cheSaint David’s Bonda High School kuManicaland vanosvika zana namakumi maviri nevaviri, kana kuti 122, vakawanikwa vaine hutachiona hwe coronavirus.

Asi gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga pamwe negurukota redzidzo yepasi, VaCain Mathema, vanonzi vakavimbisa kuti vachashanda zvakasimba kuona kuti chirwere ichi hachipararire zvakanyanya muzvikoro.

Mukuru wesangano rezvehutano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 chinhu chinotyisa zvikuru pachitariswa kuti dzimwe nyika dziri kurwisana nekusimuka zvakare kwedenda iri ketatu, kana kuti 3rd wave.

VaRusike vanoti hurumende nemamwe mapoka ose vanofanirwa kuita mushandira pamwe kuona kuti denda iri radzivirirwa muzvikoro, uye nyaya yedzidziso inofanirwa kutosimbiswa kuitira kuti vanhu vese vakwanise kuwana ruzivo nekukasika.

Zimbabwe ine hurongwa hwekubaya vanhu vanosvika mamiriyoni gumi nhomba yekudzivirira Covid-19 senzira yekudzivirira chirwere ichi munyika.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG