Accessibility links

Breaking News

Dzidziso Pamusoro peCOVID-19 Kune Vachadzidzisa Veruzhinji Yotambirwa neMufaro


Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike
Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike

Bazi rezvehutano neMuvhuro rakazivisa kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 hwakanga hwasvika pazana nemakumi matatu nevashanu kana kuti 135, kuchitiwo vabatwa nechirwere ichi munyika yose vasvika pazviuru zvishanu nemazana matatu ane vasere kana kuti 5 308.

Bazi iri rakati vanhu vakanga vapora kubva kuchirwere ichi kusvika neMuvhuro vakanga vasvika pazviuru zvitatu nemazana masere ane makumi mana nevasere kana kuti 3 848, izvo zvakasiya vanhu chiuru nemazana matatu nemakumi maviri nevashanu kana kuti 1 325 vari ivo vachine chirwere ichi munyika yose.

Mukuedza kudzivirira kupararira kwechirwere ichi munyika, bazi rezvehutano rakabatana nesangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) riri kupa zvidzidzo kuvanhu vachazonodzidzisawo vamwe pamusoro pemabatirwo anofanirwa kuitwa Covid-19 uye kuti chirwere ichi chingadzivirirwa sei kuti chisapararira.

Zvidzidzo izvi zviri kuitirwa kuDomboshawa, uye vari kupinda muzvidzidzo izvi vanozotarisirwa kunodzidzisawo vamwe vari mune zvehutano mumapoka avo, avo vanozodzidzisawo vamwe munharaunda dzavagere.

Bazi iri razivisa kuburikidza neTiwtter kuti vapinda muzvidzidzo izvi vanhu vabva kubazi rezvehutano, kumapurisa nemauto, uyewo vamwe vabva kumasangano akazvimirira.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti hurongwa hwekudzidzisa vadzidzisi uhwu hwakakosha zvikuru sezvo huchizobatsira kuti dzidziso pamusoro pechirwere ichi izokwanisa kupararira nenyika yose.

VaRusike vakurudzirawo kuti dzidziso pamusoro pechirwere cheCovid-19 iwandire pamwe nekupararira kunzvimbo dzinogara veruzhinji pamwe nekumaruwa, uko vanoti veruzhinji vanenge vari kuratidza kuti havasi kuteerera kurudziro dzebazi rezvehutano pamwe neWorld Health Organisation dzekuti vazvivhare miromo nemhino, kugeza maoko, pamwe nekusiya mukaha pakati pavo nevamwe.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, Johns Hopkins University Hospital yemuno muAmerica, iyo iri kuongorora chirwere ichi inoti pasi rose vanhu vanodarika mamiriyoni makumi maviri neimwe nezviuru mazana mapfumbamwe negumi nezvisere, kana kuti 21 918 000 vabatwa nechirwere ichi, icho chaurayawo vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe nemakumi manomwe nezvina nemazana manomwe, kana kuti 774, 700.

America ndiyo ichiri pamusoro pahuwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19, avo vadarika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana mana nemakumi mana nezvina, kana kuti 5, 444, 000

Vanhu vafa muAmerica vadarika zviuru zana nemakumi manomwe, kana kuti 170, 000.

MuAfrica vanhu vanodarika miriyoni nezviuru zana nemakumi maviri nezvisere, kana kuti 1,128 000, vabatwa nechirwere ichi, kuchitiwo vashaya vadarika zviuru makumi maviri nezvishanu nemazana masere, kana kuti 25, 800.

Vanhu vapona kubva kuchirwere ichi vadarika zviuru mazana masere nemakumi mana nezvitanhatu, kana kuti 846, 000.

South Africa ndiyo iri pamusoro muAfrica iine vanhu vanodarika mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe ezviuru, kana kuti 590, 000 vabatwa nacho.

Vanhu vafa nechiwere ichi muSoiuth Africa vadarika zviuru gumi nechimwe nemazana mapfumbamwe kana kuti 11, 900.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG