Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu makumi masere nevatanhatu, kana kuti 86, vakafa neCovid-19, kusanganisira makumi maviri vakashaya muHarare pakati pa 09 kusvika 13 mwedzi uno, avo vanga vasina kuziviswa nezvavo.
Izvi zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nyika yose pazviuru zviviri nemazana mana ane gumi nevasere, kana kuti 2 418.
Vanhu zviuru zviviri nemazana mana nemakumi mapfumbamwe nemumwe, 2 491, vakawanikwa vaine Covid-19 neChina chakare, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nedenda iri pazviuru makumi manomwe nezvisere nemazana masere nemakumi manomwe nevaviri, kana kuti 78 872.
Bazi iri rakazivisawo kuti huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yekutanga yekudzivirira Covid-19 hwakadarikawo miriyoni imwechete kuenda pamiriyoni nezviuru makumi matatu nezvitanhatu nemazana maviri nemakumi mashanu nevaviri, kana kuti 1 036 252.
Vanhu vabaiwa nhomba yepiri sezvinokurudzirwa vakasvikawo pazviuru mazana matanhatu nemakumi matatu nemazana matanhatu negumi, kana kuti 630 610.
Nyanzvi mune zvehutano vachitungamira sangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti chiri kunetsa iye zvino ndechekuti vanhu havasi kutevedzera mutemo wekudzivirira kupararira kwehutachiwana, kunyange hazvo hurumende yakadzika matanho ekuusimbisa.
VaRusike vanoti izvi ndizvo zvimwe zvezvinhu zviri kuwedzera huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi uye kufa nacho.
Vanoti semuenzaniso, veruzhinji vachiri kuramba vachiungana pandufu uye kubatana maoko pamwe nekusasiya mikaha pakati pavo.
VaRusike vanokurudzira veruzhinji kuti vasarambe vachitevera tsika yekuungana parufu, kunyange hazvo iri tsika yavo, vachiti nguva ino yave nguva yekuti vanhu vatarise zviri kuitika, kwete kuti vafe vachiziva nekuda kutevera tsika yekuungana vachichema pamwe nekuviga mufi, sezvovazhinji vari kubatwa nechirwere ichi vari kuchibata mundufu.
Facebook Forum