Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vabatwa neCovid-19 Hunokwira, Hurumende Ichiti Vanotyaira Magonyeti Vari Kutakura vanhu Zviri Kunze kweMutemo


Hurumende inokurudzirwa kuwedzera huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa Covid-19, zvikuru munzvimbo dzine vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi.
Hurumende inokurudzirwa kuwedzera huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa Covid-19, zvikuru munzvimbo dzine vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi.

Hurumende yakazivisa neMuvhuro kuti huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika hwakakwira kusvika pachiuru nemakumi matatu nevana kana kuti 1 034, zvichitevera kuwanikwa kwevamwe vanhu makumi mana nevapfumbamwe vaine chirwere ichi, pavanhu zviuru zviviri nezana negumi nevapfumbamwe (2 119) vakavhenekwa chirwere ichi neMuvhuro

Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi vaive vasvika pamazana matatu nemakumi mana nevatatu (343) kuchitiwo vafa vasvika pagumi nevapfumbamwe.

Pavanhu vakawanikwa vaine Covid-19, makumi maviri nevasere vakabva kuSouth Africa, makumi maviri nemumwe vari vanhu vagara vaari munyika.

Munhu mumwe chete akashaya ari mudunhu reMidlands uye zvinonzi akazoonekwa kuti afa nechirwere ichi mushure mekuvhenekwa kuti paonekwe chakanga chamuuraya, kana kuti post mortem.

Nekuda kwekukwira kwechirwere ichi munyika, komiti yehurumende iri kutungamira kurwiswa kwe Covid-19, ye Ad Hoc Inter-Ministerial Taskforce, iri kukomekedza kuti patorwe matanho akasimba anomisa kuparadzirwa kwechirwere ichi munyika.

Matanho aya anosanganisira kumiswa kwevatyairi vemagonyeti kuviga vanhu pavanodarika miganho vachipinda navo munyika, kuwedzera kuongororwa kwekuteverwa kwemitemo mudzinharaunda, uye kuwedzerwa kwehuwandu hwevanhu vari kuvhenekwa chirwere ichi munzvimbo dzine vanhu vari kubatwa nechirwere ichi.

Johns Hopkins University yemu America inoti vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nematatu (13 million) vabatwa nechirwere ichi, uye vafa vadarikawo zviuru mazana mashanu nemakumi manomwe nezvitatu nemazana matanhatu (573 600).

America ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi, avo vave kudarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu (3.3 million). Vanhu vafa muAmerica vadarika zviuru zana nemakumi matatu nezvishanu nemazana matanhatu (135 600).

Vanotyaira magonyeti vachienda kune dzimwe nyika varamba mashoko avari kupomerwa nehuirumende ekuti vari kutakura vanhu zviri kunze kwemutemo vachivayambutsa miganho kana kuvaendesa kune mamwe maguta nemadhorobha.

Mumwe mutyairi, VaFainos Chikunda, vanoti vari kungozorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

VaChikunda vanoti vatyairi vose vari kutevera mitemo yakatarwa nedzihurumende dzenyika dzavanopinda, uye vanovhenekwa kudziya kwemiviri yavo pavanoyambuka miganhu.

Vanotiwo havabvumidzwe kutakura vanhu, zvikuru munguva ino yekusabvumidzwa kufambafamba kwevanhu, pamusoro pezvo zvavanenge vakatakura zvinotariswa nevashandi vepamiganho yenyika.

Hurukuro naVaFainos Chikunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG