Accessibility links

Breaking News

Citizen Initiative Inopa Rubatsiro Zvipatara zveKaranda neMt. Darwin


Zimbabwe Citizens Initiative

Sangano rinobatsira reCitizen Initiative, rakapa nemusi weChitatu rubatsiro rwezvikwanisiro zvekudzivirira kupararira kwehutachiwana hwe coronavirus uhwo hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Rubatsiro urwu rwakapihwa zvipatara zveKaranda ne Mt. Darwin District Hospital mudunhu reMashonaland Central.

Zvikwanisiro izvi, izvo zvinokosha madhora zviuru zvitatu zvemari yekuAmerica, zvinosanganisira magorovhosi, nhumbi dzekupfeka, ma face mask ekuvhara miromo nemhino pamwe nemishonga inouraya hutachiwana kana kuti sanitizers.

Sangano iri, iro rinounganidza mari kubva kuvana veZimbabwe nevekunze kwenyika vanoda kubatsira richizotenga zvikwanisiro, rakapawo rubatsiro rwakadai kuzvipatara zvematunhu anoti Manicaland, Mashonaland East, Bulawayo, Matabeleland South, Midlands, Mashonaland West neMasvingo.

KuMashonaland East, Citizen Initiative yakabatana ne Rozaria Memorial Trust ikakwanisa kubatsira makiriniki ekumaruwa eMurehwa anoti Chitate, Chitowa 2, Dombwe, Jekwa neMurehwa Polyclinic nezvikwanisiro zvinokosha zviuru zvitatu zvemadhora ekuAmerica zvakare.

Imwe nhengo ye Citizen Initiative, VaFreeman Chari, vanoti nemari shoma yavari kuwana iyoyo, vakazvipira kuti vaedze kubata matunhu makuru ose emunyika, zvikuru asiri maguta makuru.

Hurukuro naVaFreeman Chari
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG