Accessibility links

Breaking News

Matunhu Akawanda Munyika Dzinosanganisira America Ovhura Zvishoma Zvishoma


Matunhu akawanda munyika dzinosanganisira america ave kuvhura zvishoma nezvishoma kunyange hazvo pachiri kutyirwa kuti Covid-19 inogona kupararira zvakare.
Matunhu akawanda munyika dzinosanganisira america ave kuvhura zvishoma nezvishoma kunyange hazvo pachiri kutyirwa kuti Covid-19 inogona kupararira zvakare.

Imwe nyanzvi mune zvehutano inoti kuvhurwa kwemamwe matunhu muAmerica pamwe nedzimwe nyika pasi rose kunoreva kuti matunhu aya akanga aona kuti akwanisa kuderedza huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere che Cvoid-19.

Doctor Simbiso Ranga, avo vari mudunhu reNorth Carolina muAmerica, vanoti zvakakosha zvikuru kuti matunhu ave kubvumidza zvakare vanhu kuti vafambe-fambe pamwe nekuenda kumabasa akaisa matanho anoita kuti kutapuriranwa kwehutachiwana hwe coronavirus uhwo hunokonzera Covid-19 kusaitika.

Vanoti sezvo vanhu vachange vachisangana muzvitima, mumabhazi, kumabasa pamwe nenzvimbo dzekutandarira, idzo dzave kubvumidzwa kuunganwa mumatunhu akawanda, zvakakoshawo kuti veruzhinji vatore matanho anosanganisira kugeza maoko, kuvhara miromo nezvimwe.

Matunhu akawanda muAmerica ave kubvumidza vanhu kuenda kumabasa uye kuungana, asi achikurudzira kuti vanhu vasiye nzvimbo pakati pavo pavanenge vakaungana.

Dunhu reWashington D.C nemamwe matunhu maduku muMaryland ndiwo asati avhurwa pari zvino.

Mamwe matunhu akaita seGeorgia anonzi ari kutoona huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi.

Nyika dzeBrazil neMexiico dzinonziwo dziri kuwana huwandu hwakanyanya hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 ichi.

MuAfrica nyika dzinoti South Africa, Nigeria, Algeria, Morocco pamwe neEgypt dzimwe dzenyika dzinonzi dziri kuona huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huchikwira.

Zimbabwe yazivisawo zvakare nezvekukwira zvakapetwa kazana kubva muzana kwevanhu vabatwa nechirwere ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG